Munhu ari kuseka kunge bere

21 Aug, 2023 - 12:08 0 Views
Munhu ari kuseka kunge bere Mambo Marange

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

VAGARI vekwaSabhuku Kwembeya, kwaMambo Marange, avo vainge vari parufu, vakasara vasina remuromo apo mumwe mudzimai aivepo akangotanga kuseka uye kufamba sebere achipomera vatete vake kuti vakanga vadya nyama yechitunha chemunhu aichemwa pamariro aya.

Rebecca Kwembeya (55) ndiye ari kunzi akaita mashura aya izvo zvakavhiringa vanhu vaive parufu urwu sezvo vakanga vasingachazive kuti ari kutaura mashoko echokwadi here kana kuti aingoda kukonzeresa.

Zvirongwa zvepanhamo zvakatombomira kufamba sezvo vanhu vakanga vava kuedza kuita kuti mukadzi uyu adzikame vachiti ari kushaya hunhu kana kuti ainge ava kurasika njere.

Kwembeya anonzi akatanga kufamba nemakumbo mana achiseka sebere achitaura mashoko ekuti vatete vake, Susan Dzvatu (65), ndivo vainge vakonzera rufu rwaCaleb Dzvatu.

Susan Dzvatu haana kutora mashoko aya nyore, achibva aenda kunomhan’ara kudare raMambo Marange.

Achitaura nyaya yake pamberi pedare raMambo Marange, Susan Dzvatu – uyo anova mudzimai wasabhuku wenzvimbo iyi – anoti Kwembeya akanga achiita sebere kana kuti semunhu abudirwa nemudzimu.

Anoti zvakaitwa naKwembeya zvakamurwadza zvikuru nekuti ave kushorwa uye kusarudzwa nevagari vemunzvimbo iyi vachimuti muroyi.

“Vanhu vari munharaunda vava kugara vachitaura pamusoro pangu vachindishora uye semudzimai wasabhuku handichina chimiro nekuda kwezvakaitwa naKwembeya. Akasvibisa zita redu sevanhu vane hutungamiriri zvekuti tava kushorwa nekuda kwezvinhu zvisina umbowo.

“Akataura zvekare kuti ndichauraya Tennison mumwedzi mishoma inotevera,” anodaro.

Susan Dzvatu anonzi akatora nguwani yaKwembeya kuti azoiburitsa mudare seumbowo.

Patsika yevanhu vekwaMarange, kutora mudziyo wemunhu waunopomera mhosva inzira yekuti unge uchirwisana nenyaya yauri kupomerwa yakadai seyehuroyi – mudziyo uyu unoshandiswa seumbowo.

Mambo Marange vanoti izvi zvinobatsira mukunyadzisa muvengi anenge achipomera munhu mhaka yaasina kupara.

Susan Dzvatu anoti mushure mekuvigwa kwaCaleb, Kwembeya akatanga kumupomera mhosva yekudya nyama yemufi.

“Mushure mekuvigwa kwaCaleb, mhuri yangu yakaenda kunhamo mangwana acho mangwanani tikatevedza zvaidiwa zvinoitwa mushure mekuvigwa kwemufi. Kwembeya ndipo paakatanga kundishora pamberi peruzhinji achiti ndinofanira kureurura zvivi zvangu.

“Akatanga kutaura mamwe mazita evanhu vaaiti ndinoroya pamwe navo. Akatoti ndainge ndakatodya mutumbi wechitunha pazuva chairo rachakavigwa,” anodaro.

Mambo Marange vakadaidza Kwembeya kudare mumazuva akasiyana asi haana kuenda.

Vanoti vachatuma nhume dzavo kuti dzishandise chisimba chekuti auye kudare kuzonzwa nyaya yake.

“Munharaunda ino haitori mashoko ehuroyi nyore sezvo tiri nharaunda inozivikanwa nenyaya dzekunamata. Kana achinge awanikwa aine mhosva yekusvibisa zita ravatete vake, anofanira kuvaripa nemombe mbiri. Asi kana zvikaonekwa kuti Dzvatu muroyi uye ndiye akauraya Caleb akamudya, anozosangana nemutongo wakewo,” vanodaro.

Mambo Marange vanoti kana Susan Dzvatu akazobatwa nemhosva anofanira kuzoripa nemombe pfumbamwe.

Vanoti pamombe idzi, mbiri dzinozoendeswa kudare ramambo dzimwe nomwe dzichiendeswa kumhuri yekwaKwembeya semuripo.

Nyaya iyi iri kutarisirwa kuzopfuurira mberi nekutongwa nemusi wa27 Nyamavhuvhu apo Kwembeya ari kudaidzwa kudare zvekare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey