Uncategorized

Munhu okuma semombe. . . achifura sora

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Nhlalwenhle Ncube arikuBULAWAYO
MURUME wekuMatobo, kuBulawayo — uyo anofungidzirwa kuti imbavha yezvipfuyo yemakoko – anonzi ari kufamba akasungirira bhero remombe muhuro make, achifura sora nekuita zvimwewo zvinoitwa nemombe sekukuma.

Muchinda uyu, uyo anonyanya kuzivikanwa saNyoni Bhazha, anonzi ane mbiri yekuba mombe kwemakore akawanda.

“Hatizive zvakaitika kwaari, takatanga kunzwa nevamwe vanhu vachiti Nyoni ari kufamba achikuma sezvinoita mhou yemombe.

“Takangotora mashoko aya sekuti vanhu zvavo vaingotaura, asi takazoshamiswa svondo rapera apo akauya kuno kwedu achiita zvinoshamisa. Anoita zvisinganzwisisike apo anenge aine bhero remombe rakasungirirwa muhuro make.

“Akapedza zuva rose akagara kuzvitoro kusvikira zuva radoka. Mukoma wake akaedza kuenda naye kumba asi akaramba,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.

Zvinonzi Nyoni akarara pazvitoro izvi kwemazuva maviri uye mukoma wake akamboedza kuda kumumanikidza kuti aende naye kumba asi akakundikana.

Muchinda uyu anonzi akazobva apa ndokuenda kubhuku rekwaNtunjambili uko akanogara musango.

“Tinofunga kuti pane munhu waakabira mombe uyo akamugadzira nemishonga nekuti pose paanotaura anotaura pamusoro pezvemombe chete uye zvinenge zvisina musoro zvachose,” anodaro.

Mukoma wake – Clive Nyoni – paakaridzirwa nhare nevatori venhau, akati munin’ina wake atova kurasika njere dzake.

“Semhuri, tichiri kutsvaga kuti chii chaizvo chakaitika kumunin’ina wangu nekuti agara ari munhu ane pfungwa dzakati kwesere asi iye zvino maitiro ake haachanzwisisika.

“Zvichida anogona kunge akaroyiwa nekuti iye zvino ave kungoda kugara oga musango uye haadi kubvisa bhero remombe riri muhuro make,” anodaro Clive.

Anoti vane hurongwa hwekutsvaga rubatsiro kubva kumaporofita.

Svondo rapera Kwayedza yakaburitsa nyaya yemumwe murume wekwaMambo Saunyama, kwaMutare, uyo anonzi akazofa achiita nhoko sezvinongoita mbudzi mushure mekunge anetsa munharaunda iyi nekuba zvipfuyo.

Mune imwewo nyaya yakabuda mubepanhau rino pakati pegore rino, kwaMambo Zimunya, kwaMutare kwekare, kune imwezve nyaya inoshamisa – yemhuri yakanopotera kwamambo ichida kubatsirwa mushure mekunge mombe yavo yatanga kutaura semunhu. Mombe iyi inonzi inotaura kuti zvipfuyo izvi zvanonoka kuvhurwa mudanga kana kuti kumafuro hakuna huswa, pakati pezvimwe. Nyaya iyi ichiri kudare ramambo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>