Uncategorized

muporofita akamedzwa nebako rinoyera

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
muporofita akamedzwa  nebako rinoyera

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUPOROFITA wekuGuruve — wekuda kuwedzera masimba echiporofita nekunopinda mubako rinoyera rekuChiweshe — akazodemba apo “akamedzwa” kana kuti akadhonzerwa muninga nevanhu vaasina kuziva, avo vanofungidzirwa kuti manyin’inya kana kuti madzimudzangara, bako racho richibva ravharika musiwo iye arimo.

Madzibaba Tinashe Tinapi (30) wechechi yeJohane Masowe weChishanu uye achibva kwaJeke, kuGuruve anonzi akavharirwa mubako regomo reChiwonde, umo akarara husiku hwose achibongomora kuchema sezvo ainge akamanikirwa pakati pemabwe ebako.

Paakazonunurwa, muporofita uyu ainge angoti wundundu semunhu ave kuda kufema mweya wekugumisira.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanotsinhira nyaya iyi.

“Nyaya iyi yakaitika, asi zvakawanda hatisati tava nazvo. Mashoko atiinawo anoti muporofita uyu akabatsirwa, ndokuzoendeswa kuchipatara cheConcession uko tisati tava neruzivo rwekuti utano hwake huri sei uye kuti achiriko here kana kuti akabuda muchipatara umu,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Madzibaba Tinapi akamanikwa mubako

Vanokurudzira vanamati kuti vasiyane netsika yekunopinda munzvimbo dzine njodzi kuupenyu hwavo dzakaita semapako, madziva, nemumasango ane mhuka nekuitawo zvimwe zvine njodzi.

Mudzimai waMadzibaba Tinashe, Madzimai Esnath Tamanikwa (25) anoti: “Ichokwadi madzibaba vakasangana nedambudziko. Vakapinda mubako apo vaiva kumativi mana, vabva kuno kumusha kuRuyamuro, kwaKondo kuGuruve.

MADZIBABA TINASHE

“Madzibaba vakabviswa kuchipatara cheConcession nemusi weMuvhuro wadarika, vava kuParirenyatwa (Group of Hospitals) kuHarare, izvozvi nditori munzira kunovaona. Ndichakuzivisai kuti vari sei, uye kuti vari muwadhi ani.”

Gomo reChiwonde riri mubhuku raChirimuuta, kwaMambo Makope uye rinonzi rinoyera zvikuru. Mugomo iri munonzi mune mapako ene matura azere zvirimwa zvakaiswa panguva yechinyakare nemadzitateguru.

Mugomo iri zvakare munonzi makarwiwa hondo inotyisa munguva yehondo yeChimurenga kuma1970 mukafiwa nevanhu vakawanda.

Pachinyakare, mugomo reChiwonde munonziwo maiitirwa chivanhu uye mune makuva akawanda.

VaDington Chikwekwe (42) vemubhuku raRwere, vanoti ivo mumwe wevanhu vakanoona muporofita uyu ari mubako ndokubatsira pakununurwa kwake.

Vanoti mugomo iri munoyera zvikuru sezvo muchinzwikwa muchiridzwa ngoma kana mbira, mombe dzichirima, kurira kwehuku uye mazwi evanhu vanotaura nekudzvurwa. Munoonekwawo manyin’inya kana kunze kwadoka.

“Ndisu takazobatsira Madzibaba Tinashe uyo anoti akabva kuGuruve aratidzwa nemweya kuti azowedzera masimba ake mumakomo aya. Takanzwa munhu kuchema husiku hwose apo taiti munhu ainamata ndokuzonzwa makuseni kuti aichema apo akanga ave kutopera simba,” vanodaro.

Madzibaba Tinapi achibatsirwa

Vanoenderera mberi vachiti: “Tasvikapo, tikataura naye apo ainge akamanikira pakati pematombo epamusiwo webako. Anoti akakwira mugomo iri husiku, achibva arasika achida kuenda kugomo reGombekombe iro rinoyera zvakare — ndiko kwaiva nemuzinda waMadzibaba Micho.

“Anoti akatombobatidza moto apo pakazouya vamwe varume vaiva nemagemenzi vachiti vaida kunamata naye izvo akashamiswa nazvo. Pakarepo, anoti ndipo paakabva atadza kuziva zvaari, ndokuzoona ava mukati mebako raanoti raiva rakavharika uye haana kuziva paakapinda napo.”

VaChikwekwe vane fungidziro yekuti muporofita uyu akatorwa nemanyin’inya ndokuendeswa mubako iri.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaHillary Simbamba (36) vemubhuku raSimbamba vachiti pavakasvika, vakawana muporofita uyu akamanikirwa — kuita searumwa — nemusiwo webako.

Vanoti apa aichema achiti musuwo uyu wairamba uchidzoka, matombo achiita seanofamba.

“Isu ndisu vamwe vakatanga kusvika panzvimbo iyi tanzwa kuchema ndiina Jaisori Chidamba, Abraham Meda, Spenure Madombwe naKnowledge Chikati. Murume uyu akati aiva auya oga kumativi mana kuti azosimbisa chiporofita chake. Anoti akaona varume vaviri avo vakazongonyangarika, ndipo paakatadza kuziva zvaari ndokuzobengenuka ava mubako umu akamanikira pamusiwo,” vanodaro.

Vanhu vakaungana vachiedza kubatsira murume uyu vanonzi vaidarika makumi maviri asi vachishaya zano rekumununura naro.

Sabhuku Chirimuuta, VaEmish Ngirandi, vanonzi ndivo vakazotanga kuombera pamwe nekudeketera kumidzimu apo vanhu vakange vapererwa nemazano.

“Apo muporofita uyu aiyuwira nekurwadziwa, Sabhuku Chirimuuta vakazotanga kuuchira vachideketera midzimu vachikumbira kusunungurwa kwemuporofita uyu. Vanhu vakazopanana mazano ndokupinda mubako iri umo vakatanga kusandudzira murume uyu nematanda, vamwe vachimudhonza netambo yainge yakamusunga mawoko. Vakazokwanisa kumuburitsa apera simba panzvimbo yaiva yakareba mamita anodarika makumi maviri kudzika pasi,” vanodaro.

VaFrank Chigwanha (69) vemubhuku raChigwanha vanoti vanamati ngavaremekedze nzvimbo dzinoyera.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMadzibaba Tinashe sezvo achinzi achiri muchipatara.

VaBellington Kupona (34) vemubhuku raMavhunga, mumwe wevakapinda mubako umu kuburitsa muporofita uyu. Vanoti murume uyu akangosvuuka bedzi padundundu zvichibva mukuzvuviwa kwaakaitwa pakuburitswa mubako.

Chikwata chinobatsira vanhu vanenge vawirwa nenjodzi paimwe kambani ine mugodhi munzvimbo iyi chinonzi chakazosvikawo ndokuwama muporofita uyu ava kunze kwebako, achingotakwaira apo aisagona kumuka kana kufamba.

Simbarashe Chirenje (34), uyo anogara mubhuku raDombojena, anoti muporofita uyu akatorwa nemanyin’inya sezvo gomo iri richiyera. VaHillary Simbamba vanoti mugomo iri vakambosangana nevanhu vavakatadza kunzwisisa avo vanonzi madzimudzangara.

GOMO RECHIWONDE.

“Pagomo iri panotenderera mhepo inoita fanika chikopokopo. Yambiro yedu ndeyekuti kudai maporofita nevamwe vanamati vasiyana nenzvimbo dzinoyera idzi nekuti chivanhu hachimbofa chakabhuruvara,” vanodaro. Kunzvimbo imwe chete iyi kunonzi kune vanamati vaviri vakadonha vakafa vachikoromoka mugomo rinonzi Nduni irowo rinoyera. Zvinzi vanhu ava vakanga vaenda vachida kunosimbisa chiporofita chavo.

Mamwe makomo ari mudunhu iri anonzi anoyera anosanganisira Chitonzva, Dzimwe, Kanjuwe, Chidapakati, Vhuvhunye, Chiparamhembwe, Chifuti, Chamukondiwa, Mutimuzhinji neBare. Muimwe nyaya ine chekuti nechitendero chechipositori, mwedzi mishoma yakadarika, kuMhondoro kune mhuri yakachengeta zvitunha zvevanhu vaviri mumba kwemwedzi mitatu vachiti vaizomuka.

Mumwe muporofita zvakare weJohane Masowe weChishanu nguva yadarika akambosungwa nenyaya yekunopinda muninga kwaMutoko uko aichera makuva emadzimambo achiti aida kuzvisimbisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey