Uncategorized

‘Muridzi wezvidhoma ndinomuziva’

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

naMalven Mugadzikwa
MBUYA vaye vekuMsasa, muHarare, vekunovhurisira zvidhoma dhoketi kumapurisa mushure mekunge vati zvinhu izvi zvavafemesa, vanoti vanoziva kwakabva zvikwambo izvi – kunyangwe zvazvo vasingakwanise kudura.
Mbuya Pelagia Munemo, vepanhamba 56 Amby Drive, vanoti muridzi wezvidhoma zvavaonesa moto vanomuziva asi vakangomirira kuti pauye godobori rinokwanisa kuzvibvisa.

“Zvidhoma izvi zvandinetsa kwenguva refu asi chandinoziva ndechekuti chero zvikanetsa sei, hazvimbofi zvakandikurira nekuti zviri pandiriwo zvikuru. Shavi randinaro haringandisiya ndichitambudzwa,” Mbuya Munemo vakaudza Kwayedza svondo rino.

Vanoti vanoda n’anga inobvisa zvidhoma izvi zvisinei nekuti pane maporofita akamboenda kumba kwavo akanoti abata nyoka nemamwe madumwa izvo zvavakati ndizvo zvaivashungurudza. Maporofita aya achingobva, chembere iyi inoti yakasara ichioneswa chitsvuku nezvinhu izvi.

“Pari zvino ndava kutoda iri n’anga chaiyo nekuti zvemaporofita hazvina zvazvakashanda. Vakati vakabvisa asi moto wakatowedzera, zvidhoma zvakabva zvadzoka musi mumwe chete iwoyo zvotonyanya kunetsa.

“Pandakavaudza kuti zvava kunetsa vakatsika-tsika uku zvinhu zvichindinetsa.

“Ndava kuda kumboshandirwa nen’anga chaiyo inogona kubvisa zvinhu izvi kwete vaya vanokara mari.”

“Zvidhoma hazvichanyanyonetsa asi kwangosara kamwe chete kachine nharo uye pakugeza apa ndotoita ndakangwara nekuti kanogona kundidira mavhu.

“Zvidhoma izvi ndinotoziva muridzi wazvo nekwazvinobva asi kuti handisununguki kuzvitaura. Ndakamirira kuti n’anga ichandibatsira imutaure yega munhu iyeye yozvibvisa.”

Vachibvunzwa kuti murume wavo, mushakabvu Gynoise Chiridzo, akange asingabate-bate here, vakati aive asingarombe.

“Murume wangu aitopinda Roma tichienda kuchechi tose. Kumusha kwake kwakanga kuri kuMalawi hongu, asi paaienda ikoko papera makore matatu oga-oga aiuya asina kana mushonga wakaipa.

“Mishonga yavaingouya nayo yakanga iri yemusana yavaipa vanhu, kunyanya varume. Ini handinawo chandakabata asi kuti ndinongova neshavi rinoita kuti ndibatsire vanhu vanenge vaine matambudziko makuru.

“Shavi rangu renjuzu rinoita kuti ndibatsire kuburikidza nekurotswa,” vakadaro Mbuya Munemo.

Muzukuru wavo, Antony Madzamba – uyo wavanogara naye – anoti Mbuya Munemo vanoziva muridzi wezhidhoma izvi.

“Zvimwe tingataure zvedu, asi kutofa kwakaita sekuru fungidziro yangu vakauraiwa nazvo. Nekuti pakanga pave kuda kuendeswa nhumbi dzasekuru kumusha kwavo kuMalawi ndipo pazvakatanga zvichiti, ‘Siya hembe dzemurume wedu, tisu vakadzi vake’.

“Sekuona kwangu sekuru vakange vakaromba zvose na****** (zita akaridura). Pachivanhu sekunzwa kwandinoita, zvidhoma zvinorarama neropa hazvingoendi,” akadaro Madzamba.

Akawedzera achiti: “Ambuya vanogara vachiti vanoona nyoka asi ini ndisingaione, voti yanyangadika.

“Mafiro akaita sekuru Chiridzo zvakare ndiwo mafiro akaita mumwe mwana wavo, Paradzai Munemo, uyo aiva mhiri kwemakungwa zvisinganzwisisike. Zvidhoma ndizvo zvakavauraya.”

Imwe n’anga ine mukurumbira, Sekuru Thomas Mukunguta, iyo inova yakambochairwa nhare naMbuya Munemo vachida kubatsirwa, inoti ine chido chekuvashandira asi inoti chembere iyi haisi kutaura chokwadi.

“Chiripo ambuya ava ngavataure chokwadi, vanoziva zviri kuitika zvose uyezve ini ndakavachaira nhare ndichivati vauye kumatare ivo vakati havakwanise. Ini handingangoenda kumba kwavo ndisati ndapira matare angu, ndiri munhu wenyama ndinototyirawo upenyu hwangu.

“Ndakambovati ndava kuuya kumba kwavo vakatsika-tsika vachiti vave kuenda kumasowe kwemasvondo maviri kudzimara ndasiyana navo,” vakadaro Sekuru Mukunguta.

Mbuya Munemo vakati hapana zvavanoziva pamusoro pemashoko anotaurwa naSekuru Mukunguta. Vakarambawo mashoko akataurwa nemuzukuru wavo Madzamba vachiti “anongorotomoka zvinhu zvaasingazive”.

Nguva pfupi yadarika, Mbuya Munemo vakabuda munhau vachiti vakaoneswa chitsvuku nezvidhoma zvekusvika pakunokwidza nyaya yacho kumapurisa.

Zvidhoma izvi zvinonzi zvine tsika yekuitira tsvina kana mumapoto, kuvachaira nhare, kuvarova nekuita mimwe minana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>