‘Muroora akandiisira muchetura mutii’

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUROORA anonzi akaisira vamwene vake muchetura musvutugadzike avo vakazopona neburi netsono mushure mekunge vazviona vasati vainwa zvichitevera kugara kwavaiita vachinetsana nenyaya yemba.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Plaxedes Dube akamhan’arira mwanakomana wake Aaron Dube nemukadzi wake, uyo zita rake risina kuburitswa muHarare Civil Court.

“Changamire, mwanakomana wangu aindifarira asati awana muroora wangu uyu. Pavakangowanana chete, mhirizhonga yakabva yatanga.

“Vakanditi mumwe nemumwe ngaaende kumba kwababa vake, saka ini handichazivi kuti nekukura kwangu, sei vaviri ava vasina rukudzo kwandiri. Murume wangu akashaya akandisiira imba yatakavaka yandiri kugara nevana vangu ava. Asi zvino vave kuda kuti ndibve.

“Pamusoro pazvo, vari kuita izvi nekuti ndakati muroora wangu aida kundiisira mushonga mutea. Pandakaratidza mwana wangu mushonga uyu, akaudza mukadzi wake kuti ananzve asi akaramba.

“Ndiri kuda kuti vaviri ava vatsvage musha wavo nekuti ini ndinorwara neshuga pamwe neBP, saka handidi zvekutambudzwa,” akadaro Plaxedes.

Aaron nemukadzi wake vakabvuma zvose zvakataurwa naPlaxedes kusara kwekuti havamukudze.

“Ava ndiamai vangu uye ndinovada ndokusaka ndakakumbira ruregerero pamusoro pekusavabata zvakanaka. Panyaya yekunotsvaga musha vakati vachatipa mari inobva kumaroja saka mari iyi ndiyo yatakamirira kuti vakatipa tobva taenda zvedu,” akadaro Aaron. Mukadzi wake akati anokudza vamwene vake kunyange zvazvo vachimbonetsana sevanhuwo nekuda kwezvinhu zvidiki-diki.

“Vamwene vangu ndinovakudza uye ndinoedza nepose pandinogona kuti ndivafadze. Kungori kukakavadzana kwenguva diki-diki,” akadaro.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Plaxedes gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey