Muroora odzinga vamwene pamba

31 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
PANE muroora anonzi anogara achitukirira, kunanga huroyi nekudzinga vamwene vake pamusha achivati vachiri kugarirei pamba apa ivo vakarambwa natezvara vake kare.

Rosa Mushonga akamhan’arira muroora wake Zivanai Maposa kudare achiti amushaisa rugare. Mushonga akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court Barbra Mateko kuti: “Changamire, muroora wangu anogara achindishungurudza. Ndakamupa munda wekuti awane kubatsirikana mushure mekunge aroorwa nedangwe rangu asi anouya kumba kwangu achindituka.

“Anonditukira kupa vana vake masenzi achiti ndinenge ndarara ndakaatsamira ndichiateketera. Zvino ishe wangu, kana vana vakumbira mari ndiinayo ndovanyima here?

“Haanditori saamai vemurume wake, anoti amai vake mumwe mukadzi akaroorwa nemurume wangu patakarambana. “Saka ini ndaneta nemunhu asina kutendeseka. Moyo wangu wakaratidza tsitsi paakauya achigara mumusha wangu ndikakwanisa kumupa munda wekurima asi nhasi ndave muvengi waari kuda kugara achirova.

“Anonditi ndakarambwa saka ndichiri kutsvagei pamusha, handichafanirwa kunge ndiri pamba apa.”

Maposa akaudza dare kuti akangotsiura vamwene vake kuti vasapa vana vake mari.

“Amai zvavari kutaura hachizi chokwadi nekuti ndakangovatsiura kuti vasapota vachipa vana mari nekuti zvaizovakanganisa. Pandakavaudza ndakabva ndaenda kumba kwangu, handina kana kumbotukana navo kana kuvimbisa kuvarova sezvava kunenedzera. “Ndakazoshamisika masamanisi ave kuuya kumba asi chokwadi handina chakashata chandakaudza,” akadaro.

Mutongi Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Mushonga akati vaviri ava vanofanira kuremekedzana semuroora navamwene.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey