Murume anoitira weti muchikafu 

19 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Murume anoitira weti muchikafu 

Kwayedza

Tanaka Mahanya
MURUME wemuHarare ane kahunhu kekuitira weti muchikafu nepambatya apo anenge akadhakwa, dare reHarare Civil Court raziviswa.

Caroline Kasirori anoti murume wake, Ronald Majonga, ari kushungurudza mhuri yavo zvakanyanya nekuda kwehunhu hwake.

“Murume wangu ane tsika yekuitira weti mumagumbeze,” anodaro.

“Anoitirawo weti pambatya nemuchikafu, icho chandinotenga mushure mekushanda nesimba, apo anenge akadhakwa.

“Handichakwanisa kuramba ndichigamuchira zvaari kuita zvachose sezvo zvose ndichizviitira ndoga,” anodaro Kasirori.

Achipawo divi rake, Majonga anoti haapikisane nezviri kutaurwa nemudzimai wake.
“Ndinopa mhosva kudoro pane zvose zvakaipa zvandinoita.
“Ndakasiyana nekatsika aka sezvo ndichida kugara ndakafara nemhuri yangu pamwe nemudzimai wangu,” anodaro.

Asi anopomera mudzimai wake mhosva yekuti haamuremekedze sababa vemhuri.
“Ndinoda kuti mukadzi wangu andionewo sababa vemhuri.

“Handifanirwe kuita basa rekuwacha hembe dzangu ndoga uye kurara muimba yekutandarira.
“Pose pandinoda kuti ndisasane naye, tinototanga tanetsana,” anodaro Majonga.

Mutongi Machingura akapa Kasirori gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vanofanirwa kuenda kunopangwa mazano pamusoro pekugara zvakanaka muwanano nevakadzidzira basa iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey