Uncategorized

Murungu akaguswa nevaroyi◆ ‘Hakuna zvakadaro, manyepo’

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUNGU wepapurazi reArgosy iro riri kwaMambo Svosve, kuMarondera, anonzi akafuma akaguswa vhudzi rake rekusikarudzi pamwe chete neremumusoro munyaya yasiya vagari veuku vachingozevezana kuitaura.

Mark Worswick (24), uyo anova maneja papurazi rababa vake, VaDavid Worswick, anoti pane mashoko ari kutendera munharaunda iyi anoti iye akafuma akaguswa vhudzi rake rose.

Zvisinei, murume wechichena uyu ari kuzviramba achiti aya mashoko emanyepo.

Asi anotsinhira kuti akabhadhara mari inosvika $700 kune imwe n’anga yekuBindura – Eddison Mhembere (38), uyo anozivikanwa nezita rebasa rekuti Sekuru Gorejena – yekuti anochenura mukomboni yevashandi vake nekuda kwenyaya dzekuroyana nezvimwewo zviri kuvatadzisa kugarisana zvakanaka.

“Ndini mwana wemuridzi wepurazi rino, ndinonzi Mark Worswick uye ndiri maneja pano. Pasi pangu ndina general manager Lovemore Mupunga namaneja wekudivi remombe, Conrad Samuriwo, nevamwe vashandi vanosvika 340.

“Hongu, n’anga yakauya iri muno izvozvi nekuda kwematambudziko evashandi, kwete angu. Ndakabhadhara mari $700 kun’anga iyi kuti ibvise huroyi muvashandi vangu, kwete kuti ndirimo munyaya iyi,” anodaro Worswick.  Anoti mashoko ekuti akaguswa vhudzi rekusikarudzi manyepo.

“Tarisai muone vhudzi rangu rose ndinaro, kana rekuzasi racho ndinaro. Endai mukomboni munotaura nevashandi, n’anga yacho irimo mukomboni mutaurewo nayo,” anodaro.

Runyerekupe rwunoti murungu uyu akafuma akaguswa nevaroyi apo akazotsvaga n’anga yekuti ichenure purazi rake. “Pane n’anga yakatanga kuuya svondo rakapera paseri ichichenura misha yevashandi vangu apo ndaiva kuCape Town, kuSouth Africa, uko kwairoorwa hanzvadzi yangu,” anodaro Worswick.

Papurazi apa panorimwa fodya zvemhando yepamusoro, asi yonzi inotorwa nemishonga yedivisi kubva mumunda make ichiendeswa kuminda yevamwe vashandi vake, achizongoona fodya ichipera kutemwa pasina vanhu vaanoona.

Mukati mevashandi vake munonzi mune vamwe vakamudyisa mushonga wemudiwa-diwa unoita kuti avafarire.

Worswick anorambisisa nyaya dzose idzi achiti kana izvi zvichitaurwa, iye haazvinzwe sezvo zvichingoperera mukomboni.

“Handimboona fodya yangu ichinzi inotorwa nenzira dzemishonga nekuti vashandi vanoitemha vachiendesa kumadhirihora uko kwainopisirwa. Zvekunzi ndakadyiswa handizvizive futi,” anodaro.

Vanhu vakataurwa navo mukomboni yepapurazi iri vaingozevezerana nyaya yekuti murungu wavo akaguswa musoro nekunhengo dzakavandika.

Sekuru Gorejena paakabvunzwa nezve nyaya yekuti murungu uyu akaguswa vhudzi arere husiku here, akatsengatsenga mukanwa.

“Ndinotoita zvekutaurirwa dzimwe nyaya idzi nevanhu, iyoyo handina kuipihwa. Asi iye murungu ndiye akatishevedza muno kuti tizoranga nekubvisa varoyi. Iye murungu akauya mudare rangu ndikaita matare naye ndikamutaurira kuti anoda kurutsiswa kudyiswa uko akaitwa nevamwe vashandi vake vanoda kuti abvume zvose zvavanoda zvinova zviri kuitika izvozvi,” anodaro Sekuru Gorejena.

N’anga iyi inoti inotova mubishi kuunganidza mishonga yechivanhu yekuti irutsise murungu uyu.

Sekuru Goredema akataurawo pamusoro penyaya yemushonga wedivisi unonzi uri kutora fodya yemurungu uyu kuendesa kuminda yevamwe vashandi vepo vanorimawo fodya.

“Hongu, fodya yemurungu uyu inotorwa nemishonga iye asingazive, yoenda kuminda yevashandi vake uko vanoita mabhero nemabhero asi ivo vangorima nzvimbo duku,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>