Kwayedza
Daphne Machiri
VAKURU vezvikoro nevamwe vanoona nezvekufambiswa kwebasa muzvikoro semaSchool Development Committee vanofanira kushandisa mari nemazvo nechinangwa chekusimudzira dzidzo.
Mashoko aya akataurwa nemukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, svondo radarika.
VaShumba vakataura izvi muhurukuro neKwayedza zvichitevera musangano wavakaita nevakuru vezvikoro pamwe nenhengo dzemaSDC.
“Mumusangano uyu taitarisa nyaya dzakaita sekushandiswa kwemari muzvikoro nenzira dzakanaka uye dzakajeka, tikaona zvakakosha kuti tivayambire pamwe nekuvadzidzisa.
“Vamwe vanoshandisa mari zvisina tsarukano pachikoro nekuda kwekusaziva, vamwe nekuzviitisa nekusava nehany’a nebasa,” vanodaro VaShumba.
Vanoti vakuru vezvikoro vanofanirwa kushingairira kuita basa ravo nemazvo.
“Vakuru vezvikoro vanofanirwa kuziva zvavakavinga kwete kuita mabasa akadai sekuba mari.
“Chimwe chatinokurudzira zvakare kuti vachengetedze tsika dzakanaka pabasa kwete kuti chero ndaita,” vanodaro VaShumba.