Uncategorized

Musaunganidze vanhu: Mapurisa

26 Feb, 2021 - 12:02 0 Views
Musaunganidze  vanhu: Mapurisa Mhomhoyevanhu vasina kupfeka mamasiki vakaunganira Mbuya Merita Chingwaru apo vaivevakamonererwa nyoka muhuro nen'anga nguva pfupi yadarika kwaMambo Neuso,kuSanyati

Kwayedza

 Kingstone Mapupu naMuchaneta Chimuka

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira n’anga dzinoita zvehutsikamutanda kumaruwa nekumapurazi dzichiunganidza vanhu kuti dzisiyane nemaitiro aya panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo kuita kwakadai iri mhosva uye zvine njodzi huru kuruzhinji.

Pasi pemitemo yemuZimbabwe, kuita zvehutsikamutanda hakutenderwe.

Hutsikamutanda hunoitwa nen’anga kana maporofita venhema avo vanofamba vachinanga vanhu huroyi.

Yambiro yemapurisa iyi inotevera nyaya yechembere ine makore 71 ekuberekwa yekwaMambo Neuso, kuSanyati, iyo inonzi yakapedza nguva yakareba yakamonerwa nyoka yerudzi rwemhungu muhuro nanatsikamutanda ichinzi inofanirwa kubvuma kuti muroyi asi iyo ichizviramba.

Pachiitiko ichi paive nevanhu vakawanda vainge vasina kupfeka mamasiki izvo zvinopesana nemitemo yekurwisa kupararira kweCovid-19.

Nyaya iyi iri mubepanhau reKwayedza resvondo rino.

Pari zvino kuungana pangava parufu kumachechi kana pamichato hakuzi kutenderwa nechinangwa chekuedza kumisa kupararira kweCovid-19.

Mbuya Merita Chingwaru vemubhuku raChihowa ndivo vakambunyikidzwa nen’anga dzinonzi nemapurisa matsotsi idzi.

Chembere iyi inoti yakakanganiswa zvikuru nechiitiko ichi sezvo vamwe vanhu vainge vakaungana uye vachiimba nziyo dzekushoropodza nekuvatora mifananidzo.

N’anga idzi dzinonzi dzanetsa kuGokwe, kuSanyati nenzvimbo dzakapoteredza.

Dzinonzi mushure mekupumha munhu huroyi, n’anga dzenhema idzi dzinozoti dzinoda kuripwa nemari kana nezvipfuyo kuti dzibvise zvinhu pamusha pemunhu anenge anzi ane mishonga yakaipa, apo ndivo vanenge vatanga vakanda zvinhu izvozvi mudzimba dzavo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kuita zvehutsikamutanda imhosva inosungisa.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vamhan’are kumapurisa ari pedyo navo kana vasangana nevanhu ava nekuti chinangwa chavo ndechekutora pfuma dzevanhu vachiita mashiripiti emanyepo pamwe nekukonzera nyonga-nyonga nekupesanisa vanhu vakazvigarira zvakanaka uye murunyararo.

“Iko nhau yekuunganidza vanhu munguva ino yeCovid-19 imhosva huru nekuti ndizvo zvimwe zviri kukonzera kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi

N’anga idzi dzinonzi dzinowanzoshanda nerutsigiro rwemamwe masabhuku nemadzishe avo vamwe vacho vanozosiya vapihwawo pfuma inorozvwa kuvanhu.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiero, vanatsikamutanda vanetsa zvikuru kuGokwe neSanyati uye vanokurudzira veruzhinji vanenge vambunyikidzwa kodzero dzavo kuti vamhan’are kumapurisa.

Kuchiti mamwe madzimambo ekuGokwe – uko kune mbiri yekuva nevanhu ava – Mambo Njelele, VaMisheck Njelele, naMambo Chireya, VaHenry Chidzivo, vanoshorawo zviri kuitwa nevanhu ava.

Mambo Njelele vanoti mutemo wenyika hauvabvumidze kuti vashande nanatsikamutanda kana kuvashevedza mudunhu ravo.

“N’anga idzi dzinouya muno dzakavanda nevanhu vanodzishevedza zvorega kusvika kwatiri semadzishe. Tinozonzwa kuti kune munhu aiva akatora n’anga pamusha pake ivo vatoenda. Kutsikisa mutanda pamutemo hakubvumirwe zvachose uye imhosva inosungisa,” vanodaro Mambo Njelele.

Mashoko avo anotsinhirwa naMambo Chireya vachiti n’anga idzi dzinopinda mudunhu ravo dzakavanda nevagari veko.

“Munhu akatora n’anga kumba kwake kuti imushandire iye nemhuri yake, hapana mhosva. Asi chakaipa kuunganidza musha wose kuchinzi kuri hutsvagwa varoyi, iyo imhosva huru,” vanodaro Mambo Chireya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>