‘Mushandi’ weZesa akairasa

26 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

MURUME wekuChitungwiza wekuzama noto nekufamba achinyepera kuve mushandi wekambani yeZESA Holdings achidzimira vanhu vane zvikwereti magetsi kana kuvabhadharisa mari yekuti asavadzimire akaigochera pautsi apo akabatwa nemhosva mudare ndokutongerwa kunofondoka pasina mubhadharo.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare reChitungwiza Magistrates Courts kuti nomusi wa8 Kukadzi gore rino, kambani yeZESA Holdings yakatambira mashoko aiti Maxwell Ramushi (30) wepanhamba 8983 Unit K, kuChitungwiza, aifamba achinyepera kuve mushandi weZETDC inove chimwe chikamu chekambani iyi. Ramushi aishandisa magwaro ekudzima magetsi ekuZEDTC emanyepo achibhadharisa US$15 paimba yoga-yoga kune vaive nezvikwereti ozoshandisa zvipanera zvake kuabatidza zvakare. Zvipanera zvaaishandisa zvakatorwa nemapurisa uye zvakaburitswa mudare seumboo. Mutongi Takundwa Mtetwa akapa Ramushi chirango chekugara mujeri kwegore ndokuzomubvisira mwedzi misere pachirango ichi nechitsidzo chekuti anofanira kunofondoka kwemaawa 280 paSt Mary’s Police Station.

Mimwe mwedzi yakange yasara yakasendekwa padivi paine chitsiidzo chekuti haapare mhosva yerudzi urwu zvakare mukati memakore mashanu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey