Mushekwi orwira Golden Boot kuChina

04 Sep, 2023 - 10:09 0 Views
Mushekwi orwira Golden Boot kuChina Nyasha Mushekwi

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wenhabvu — Nyasha Mushekwi — ari kupisa kunyika yeChina uko ari kurwira mubairo weGolden Boot.

Mushekwi, uyo anotambira Zheijang Greentown, mwaka uno anwisa ka14 kubva mumitambo 23 yaatambira chikwata chake.

Ari kutevera kumashure kwaLeandro Nascimento Lopes de Souza uyo anotambirawo Zheijang Greentown zvekare.

Vamwe vatambi vari kurwira mubairo weGolden Boot vanosanganisira Lei Wu weShanghai Port uyo mwaka uno akwanisawo kunwisa ka14 uye akagara pechitatu asi akaenzana naMushekwi, kuchiti Nemanja Covic anotambira Henan akwanisawo kunwisa ka13 kusvika pari zvino.

Mwaka weChinese Super League wasarirwa nemitambo mitanhatu kuti uchipera saka Mushekwi ari kufanirwa kuramba achitamba nhabvu yepamusoro kuti agokwanisa kubvutira Leandro (uyo ari kutungamira) mubairo weGolden Boot uyo unopihwa mutambi anonwisa kudarika vamwe vese panopera mwaka wenhabvu.

Mwaka wadarika, mubairo weGolden Boot kuChina wakatorwa naMarcos Vinicius Amaral Alves, anonyanya kuzivikanwa saMarcao weWuhan Three Lions uyo akanwisa ka27 ndokubatsira chikwata chake kuhwina mukombe weChinese Super League.

Mwaka uyu akapedza ari pechishanu pakunwisa apo akanwisa ka18 achitambira Zhejiang Greentown.

Pari zvino mumitambo 24 yatambwa nechikwata chaMushekwi, Zhejiang Greentown yakagara pechishanu murwendo rwekurwira mukombe weChinese Super League apo pasara mitambo mitanhatu kuti mwaka weko uchipera.

Mushekwi ane mwaka misere achitambira nhabvu yake kuChina uko akatanga ari kuchikwata cheDalian Professional mugore ra2016 ndokuzotengwa neZhejiang Greentown muna2019 achibva kuDalian Professional.

Dalian Professional akaitambira mitambo 90 ndokunwisa ka55, kuchiti kuZhejiang kusvika pari zvino akwanisa kunwisa ka69 mumitambo yaatamba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>