Mutambi wenetball Jani ashaya

11 Oct, 2023 - 11:10 0 Views
Mutambi wenetball Jani ashaya Pauline Jani

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wenetball ane mukurumbira – Pauline Jani – ashaya.

Jani, uyo ange achitambira chikwata cheZRP Mambas, ashaya nhasi mangwanani mushure mekurwara izvo zvakamuona achigara muchipatara.

Achitaura neKwayedza, murairidzi wechikwata chenyika chemaGems – Ropafadzo Mutsauki – anoti rufu rwaJani rwarwadza zvikuru sezvo aive mutambi wepamusoro uye achipa mucherechedzo wakanaka kune vanasikana vakawanda vanoda kutamba netball.

“Tarasikirwa zvikuru naJani uye tarwadziwa nekuti afa achiri mudiki.

“Jani ange ari mutambi wenetball wepamusoro uye achipa mucherechedzo wakanaka kune vatambi vakawanda avo vakazopinda mumutambo uyu nekuda kutevera tsoka dzake.

Pauline Jani

“Senyika, tarasikirwa negamba redu renetball,” anodaro Mutsauki.

Jani vazhinji vanomuziva achitambira maGems uye aive muchikwata chakaenda kumutambo weWorld Cup uyo wakatambirwa kuLiverpool, kuEngland, mugore ra2019.

Achibva kumutambo uyu, akadzoka ndokubva asendeka shangu dzake asi nguva pfupi yadarika akataura kuti ange ave kuda kudzoka kuzotambira zvekare maGems.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>