Mutambo wekudzoka kwaGringo wauya

31 Jul, 2023 - 15:07 0 Views
Mutambo wekudzoka kwaGringo wauya Taurai ‘Gringoldinho’ Boora (kubva kuruboshwe) Chati Butao naWilliam ‘Gweshegweshe’ Matenga

Kwayedza

Abel Ndooka

MWANAKOMANA wemushakabvu Lazarus ‘Gringo’ Boora uyo aive shasha yemadhirama neny’ambo dzaisetsa zvikuru – Taurai ‘Gringoldinho’ Boora – otevera mumatsimba ababa vake zvichitevera kuparurwa kwedhirama idzva rinonzi ‘The Return of Gringo’.

Dhirama iri rakanyorwa naEnock Chihombori uye rakaparurwa svondo rapera.

Gringoldinho ndiye ari kuekita saGringo mudhirama iri izvo zvaiitwa nababa vake vachiri vapenyu.

Muhurukuro, Gringoldinho anoti chiremerera chikuru chaakapihwa kuti agotevera mumatsimba ababa vake.

“Zvinofadza uye ndakazvininipisa chaizvo nekuti ndakapihwa chiremerera chikuru chekuti ndigobuda mudhirama iri ndichiekita ndiri Gringo.

“Ndine mufaro mukuru wekuramba ndichichengetedza zita rababa vangu nenhaka yavo yavakatisiira mune zvemadhirama,” anodaro.

Dhirama iri, The Return of Gringo, richange rine zvikamu 13 (episodes) uye Gringoldinho akashanda nedzimwe nyanzvi dzemadhirama dzaishanda nababa vake dzinosanganisira Blessing Chimhowa uyo anozivikanwa saMbudziyadhura, William ‘Gweshegweshe’ Matenga naChati Butao.

Gringoldinho anoti kushanda nenyanzvi idzi kwakamudzidzisa zvakawanda zvinosanganisira zveupenyu pamwe chete nekubika madhirama.

“Kushanda kwandakaita nemadhara aya kwakandibatsira zvikuru nekuti ndakadzidza zvakawanda kwete zvemadhirama chete, asi zvimwe zvinosanganisira zveupenyu chaizvo.

“Isu vechidiki tine upenyu hwatinorarama pamwe nenzira dzekuita madhirama, asi kushanda nemadhara angu aya anaGweshegweshe kwakandivhura meso ndikadzidza zvakawanda,” anodaro Gringoldinho.

Share This:

Sponsored Links