Mutare yobayira nhomba mudzimba

18 Feb, 2022 - 09:02 0 Views
Mutare yobayira nhomba mudzimba

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KANZURU yeMutare svondo rino yakatanga chirongwa chekuti vashandi vayo vezveutano vafambe mudzimba dzinogara veruzhinji vachibaya nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 nechinangwa chekuti guta iri ringe rakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Chirongwa ichi chakatotangira kumisha inoti Dangamvura, Gimboki nePegasus.

Nekufamba kwenguva, chichatekeshera kuChikanga, Fairbridge, Hobhouse, Morningside nemimwe misha yakakomberedza.
Kanzuru iyi inoti iri kubaya vanhu nhomba yekutanga (1st dose), yechipiri (2nd dose) neyechitatu (booster).

“Guta reMutare rinoda kuzivisa vagari vemo nevamwe vainodyidzana navo kuti kutanga nemusi weMuvhuro 14 Kukadzi 2020, kanzuru yakatanga chirongwa chekubaya vanhu nhomba.

“Chirongwa ichi, icho chinove chikuru, chakanangana nevagari vose vemuguta iri vanokodzera kunge vachibaiwa nhomba yekutanga, yechipiri neyechitatu – idzo dzose dzinenge dziripo,” inodaro kanzuru iyi mugwaro rayakaburitsa.

Kanzuru iyi inokurudzira vagari vemuguta iri kuti vagamuchire chirongwa ichi kuitira kuti ikwanise kusvitsa huwandu hwevanhu hunodiwa kuti pave nekuchengetedzwa kubva kuchirwere cheCovid-19.

Inokurudzira zvakare vagari vemaMutare nevamwe vainodyidzana navo kuti vatevedzere matanho ose akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19 kuburikidza nekushambidza mawoko nemvura ine sipo nekushandisa sanitizer, kupfeka mamasiki kana vari panzvimbo dzinosangana veruzhinji uye nekusaita chitsokotsoko.

Apo mushonga wakawanda wenhomba uri kusvika munyika kubva kunze – kunyanya kubva kuChina – izvi zviri kuona vanhu vakawanda vachibaiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey