Uncategorized

Mutengesi wemapepa eZimpapers akashaya

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MUMWE wevanotengesa mapepanhau ekambani yeZimpapers, VaTakundwa Michael Muchabaiwa (79), vakashaya nemusi weChipiri svondo rino mutsaona yemotokari apo vaiva pabasa muHarare.

VaMuchabaiwa vakashandira kambani iyi apo vaifamba nebhasikoro vachiendesa mapepanhau kunzvimbo dzakasiyana kwemakore 35.

Vakazoenda pamudyandigere musi wa31 Chikunguru 1999. Asi nekuda kweshungu dzebasa, vakadzoka zvakare kuzotengesa mapepa.

VaStanely Chimenya, avo vanova mukuru anoona nezvekufambiswa kwemapepanhau kuZimpapers (Harare Branch), vanoti kambani iyi yarasikirwa zvikuru nemushandi ange akazvipira pabasa.

“Tiri kuchema pamwe nemhuri yaVaMuchabaiwa avo vakatsikwa nemotokari yakange iri kutiza mapurisa mumugwagwa waCoventry, muHarare. VaMuchabaiwa vange vari sachigaro anomiririra vatengesi vemapepanhau,” vanodaro.

VaMuchabaiwa vanotarisirwa kuvigwa neChina chino kumusha kwavo kwaChikwaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>