Uncategorized

Mutumbi usina kupfeka wanhongwa

24 Aug, 2021 - 12:08 0 Views
Mutumbi usina kupfeka wanhongwa Inspector Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUTUMBI wemunhurume wainge usina kupfeka wakanhongwa uri mugoronga papurazi reFori riri kuMvuma, kuMidlands svondo rakapera.

Pane fungidziro huru yekuti murume uyu akafa nekupondwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mutumbi waMilton Sithole (30) uyo aigara mubhuku raButa, kuLalapanzi wakawanikwa nevakomana vaitsvaga huni nemusi wa17 Nyamavhuvhu mupurazi reFori.
“Nemusi weChipiri svondo rakapera, vakomana vaviri vose vane makore 16 okuberekwa vachigara kwaMushayabvudzi, kuMvuma, vaitsvaga huni mupurazi iri apo vakaona mutumbi waMilton Sithole wakakandwa mugoronga usina kupfeka. Mutumbi uyu waive nemaronda anoratidza kurohwa uyewo kumakumbo kuchiratidza zvakare maronda ekuti wakatemwa nematombo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoenderera mberi vachiti, “Pakuferefetwa kwenyaya iyi, mapurisa akazowana mbatya dzemufi chinhambwe chipfupi kubva apa pamwe chete nechitupa chake. Wakazoendeswa kuchipatara cheMvuma kunoongororwa uyewo vanhu vakapara mhosva iyi havasati vabatwa.”

Insp Mahoko vanoti semapurisa, vari kushushikana zvikuru nekuda kwemhosva dzekupondana mudunhu reMidlands idzo dzavanoti dziri kuwanda.

“Chikumbiro chedu kuti vanoziva nezvenyaya iyi vatibatsire nemashoko ekuti tikwanise kusunga vakapara mhosva iyi. Vanokwanisa kuenda pakamba yose-yose yemapurisa vonotaura,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>