Mwaka wemvura hausati watanga

27 Oct, 2022 - 17:10 0 Views
Mwaka wemvura hausati watanga VaNathan Nkomo

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MVURA yakanaya mune mamwe matunhu enyika anosanganisira Harare nemusi weMuvhuro izvo zvakaona vanhu vakawanda vachimhanya kutsvaga pekuhwanda sezvo vakanaya vasingazvifungire.

Vebazi reMeteorological Services Department (MSD) vanoti kunaya kwemvura iyi hakurevi kutanga kwemwaka weZhizha.

MSD inoti mvura ine mabhanan’ana inotarisirwa kunaya kuMatabeleland, Midlands, Harare, Mashonaland East neBulawayo.

Bazi iri rinoti pane mukana mukuru wekurohwa nemheni, panguva iyo chikamu chinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika cheCivil Protection Unit (CPU) chinoti chinoda mari inosvika $13 bhiriyoni yekurwisa njodzi dzinogona kukonzerwa nemamiriro ekunze.

Muhurukuro nemukuru anoona nezvemamiriro ekunze kuMSD, VaJames Ngoma, vanoti: “Mvura ichiri kure kunaya uye varimi havakwanise kutanga kudyara sezvo dzimwe nzvimbo dzisati dzatombowana kana donhwe remvura.”

Munyaya yemamiriro ekunze, MSD inoti kuMatabeleland South kuchaita mabhanan’ana.

“Kuchaita mabhanan’ana emvura munguva dzemasikati anotarisirwa munzvimbo dziri pedyo nebhandi rinowanzonaya mvura. Dzimwe nzvimbo dzose dzinofanirwa kunge dzichinyanya kupenya uye kuchipisa masikati asi kuchizotonhorera munguva dzemanheru.

“Mvura inogona kunaya zvakare kwenguva pfupi kunzvimbo dzinosanganisira Beitbridge neGwanda.”

Zvakadai, mukuru weCPU, VaNathan Nkomo, vanoti vakagadzira gwaro richasvitswa kudare reCabinet svondo rinouya iro rinotsanangura kuti vachagadzirisa sei matambudziko anokonzerwa nekunaya kwemvura mwaka uno.

“Isu tatova nehurongwa hwedu nekuti ukatarisa mutemo weCivil Protection Act, unotaura nezvekuronga kuitira kuti pave nehwaro hwemashandiro. Tinogara tichiwana mashoko kubva kuMSD nekuClimate Services Centre maererano nemamiriro ekunze,” vanodaro VaNkomo.

Vanoti kubva muruzivo urwu, CPU nemamwe mapoka ari munyika dziri mudunhu reSADC vanobuda nehwaro hwekurwisa njodzi dzinokonzerwa nemamiriro ekunze.

VaNkomo vanoyambirawo veruzhinji kuti vasayambuka nzizi dzakazara nekumira pasi pemiti kana kuchinaya sezvo vachigona kurohwa nemheni.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey