Uncategorized

Mwana akaenda nechamupupuri. . . zvachose!

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Mwana akaenda nechamupupuri. . . zvachose! Knowledge Nyamunda

Kwayedza

Kingstone Mapupu
Mwana wekuBeatrice ane makore matatu okuberekwa ari kunzi ava nenguva inosvika mwedzi asiri kuwanikwa mushure mekunge atorwa nemhepo yechamupupuri ndokubva angoendwa naye zvachose. Vabereki vemwana uyu nevamwe vagari vepapurazi reRosyline Pattison, kwaMuda, vasara vazere nekutya zvichitevera mashura avanoti havasati vamboona kana kunzwa nezvawo aya. 

Nyaya inoita kunge firimu iyi yakaitika nguva pfupi yadarika apo mwana uyu anonzi akangonyamurwa kunge kapepa apo aitamba nevamwe vana panhandare yemusha ndokubva atsakatika mumhepo. Knowledge Nyamunda ndiye ari kunzi akatorwa nemhepo achibva angotsakatika musi wa24 Zvita ari mukomboni yepapurazi iri apo aitamba nevamwe vake panhandare ingangoita mamita makumi maviri kubva pamba pevabereki vake.

Pakaitika izvi amai vemwana uyu vaigeza ndiro vari pedyo, uye kubva ipapo, haasati awanikwa. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nezvekushaikwa kwemana uyu vachiti mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi.

Herbert Nyamunda naambuya vake vachitaridza pakatsakatikira mwana apo aitamba

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa edu uye tiri mubishi kuiferefeta kuti tizive chaizvo zvakaitika kumwana uyu,” vanodaro Insp Muzondo.

Baba vaKnowledge, VaHerbert Nyamunda (42), vanoti vaiva kubasa mangwanani emusi uyu apo vakatumirwa shoko rekuti mwanakomana wavo aisaonekwa.

“Ndakaenda kubasa mangwanani emusi uyu ndokusiya mwana naamai vake, Plaxedes Gonera 24) pano. Ndakazodzoka kumba kuma8 mangwanani iwayo semunhu anomukira kubasa, ndokuwana mwana aripo. Akatonditi aida ma’toys’ ekutambisa. Ndakadzokera kubasa ndokuzoridzirwa nhare kuma12 dzemasikati naamai vake vachiti mwana atsakatika,” vanodaro VaNyamunda.

Murume uyu anoti akadzoka kumba ndokusvikowana chokwadi, mwana pasina. Pakarepo, vanoti vakazivisa vamwe vashandi vepapurazi avo vazhinji vavo vaiva vasina kuenda kumabasa vachigadzirira yezororo reKirisimasi.

“Mwana anonzi aitamba nevamwe panhandare iri pachena chena apo amai vake vaimuona. Zvinonzi vamwe vana vakazobva pavaitambira voenda kudzimba kunodya, iye ndokusara akamira, asi asisadavire vamwe vake vaitaura naye vachienda. Pose ipapa amai vake vanoti vaimuona,” vanodaro baba vemwana uyu.

Herbert Nyamunda

VaNyamunda vanoti mudzimai wavo akazongoerekana asisaone mwana, vachiti akangoita seatakurwa nemhepo kana kunyangarika semhute nekuti haana kuonekwa kufamba kwaakaita kubva panzvimbo iyi.

“Aya ndiwo mashaikiro akaita mwana wangu anga ari dangwe. Takazotsvaga kubva nguva dzandakadzoka kubasa kusvika kuma6 zuva rodoka tikabvongodza mumatsime nemumadhamu maviri ari muno asi hatina kumuwana,” vanodaro VaNyamunda.

Musi wakare uyu vanoti vakaenda kunozivisa mapurisa epakamba yeBeatrice nezvekushaika kwemwana uyu avo vanonzi vakatanga kuferefeta nyaya iyi.

“Hatisi kuzorora, kubasa chaiko ndakatombopihwa zororo kuti tikwanise kutsvaga mwana wangu. Kumaporofita nekun’anga kwatiri kufamba tiri kunzi mwana wangu mupenyu, ari mumba mevanhu imo muno mukomboni. Anonzi arere akafugidzwa jira jena.

“Zvinonziwo nevemweya mwana uyu akatorwa nechamupupuri kana kuti mhepo yevaroyi paaitambira kuti anoshandiswa mabasa akaipa,” vanodaro.

Nobetta Nyamunda

Knowledge anonzi aisimboenda kumba kwaambuya vake – amai vababa, Nobetta Nyamunda – uko anonzi musi uyu haana kusvikako. VaNyamunda vanoti vari kutsvaga rubatsiro kune vanokwanisa kuita kuti vawane mwana wavo ari mupenyu, kana dai akafa.

Amai vaKnowledge, Plaxedes Gonera (24), vanoti vanoshamiswa nekushaikwa kwemwana wavo uyo vaiva naye.

“Mwana aitotamba nevamwe ndichimuona apo ndaigeza ndiro mushure mekunge iye adya poriji. Vamwe vana vakabva vazomusiya achitamba oga.  Ndakazongoita chadzimira apo ndakashaya mwana uyu. Ndakangoona mwana seatakurwa nemhepo yakangomusimudza ipapo ndokuenda naye.

“Zvose zvakazoitika handina kuzviona, mwana wangu ainge atoenda — nechamupupuri here,” vanodaro amai ava, chiso chavo chakaputirwa nekusuwa.

Vanoti mushure mekunge vamushaya, vakazozivisa vamwe vemunharunda zvikaita kuti vatange kumutsvaga.

“Kwatiri kufamba tiri kunzi mwana mupenyu, akatorwa nemhepo ikamutsveta kumwe. Tiri kutsvaga rubatsiro, ndiye anga ari mwana wangu oga. Mwana uyu ane bundu kugotsi iro akaberekwa naro.”

Amai ava vanoti vanorwadziwa zvikuru nemashoko avamwene vavo.

“Vamwene vangu vanonditi tsvagai moga mwana wenyu. Vakambondidzora kumasowe kwandaienda vachiti mwana ainge awanikwa murwizi asi ivo vachinyepa. Hamheno, pamwe pane zvavanoziva,” vanodaro amai vaKnowledge.

Mai Gonera vanoti munzvimbo iyi mune madhamu maviri nematsime mana, ose akatariswa mwana uyu akashaikwa. Mbuya Nobetta Nyamunda (65) vanotiwo vari kurwadziwa zvikuru nekushaikwa kwemuzukuru wavo.

Insp Muzondo

“Muzukuru wangu ndakagumisira kumuona nemusi wa22 Zvita achinditi ndimubikire rice, kusvika paakazotsakatika apa handina kunge ndamuona. Ndakazoshamiswa kuona vanhu vemukomboni vachiuya kuzosecha mumba mangu vachiti ndimo maiva naKnowledge. Vakapinda mudzimba dzangu dzose dziri nhatu vakamushaya,” vanodaro ambuya vaKnowledge.

Vanoti kwavanofamba vanonzi mwana uyu mupenyu uye ari mumba.

“Ndine vana vakomana vatatu, ndaitotiwo zvandaitirwa muzukurukomana mhuri yangu yakura,” vanodaro.

Mai Tungamirai Maposa (46), avo vanove ambuya vaKnowledge amai vaamai vake, vanoti vakavhundutswa zvikuru nenyaya yakaitika kumuzukuru wavo uyo wavanoti vaitora semwanakomana wavo sezvo vasina kumboita mwana mukomana.

“Waiva musi weSvondo kuma11 mangwanani apo ndakavingwa ndichigeza ndichibvunzwa kuti Knowledge aiva kumba kwangu here? Shoko iri rafamba, kwakazoridzwa simbi, vanhu ndokuziviswa mwana achibva atanga kutsvagwa. Asi kusvika nanhasi, Knowledge haasati awanikwa,” vanodaro.

Nhandare yakashaikirwa mwana uyu inonzi Waterway.

“Amai vemwana uyu vainge vakatomutarisa, asi vakazongoerekana voshaya kuti atorwa nei uye sei.

“Chinorakidza ndechekuti mwana uyu aiva adirwa mamhepo, inyaya yekuti paakashevedzerwa kunzi anonwa svutugadzike nekudya mupunga kumba, anonzi haana kudavira – akangoramba anyerere – ndipo paakabva atsakatika,” vanodaro Mai Maposa.

Vanotizve vakambotanga vachinzi mwana uyu ari mumvura, ndokuzoguma n’anga nemaporofita voti akaburitswa mumvura akaiswa mumba, umo anogara akaputirwa nejira jena.

“Kwese kwatinofamba tinongonzi mwana akatorwa nemhepo amai vake vakayeva pasina zvavaiona vadzimaidzwa,” vanodaro Mai Maposa.

Mhuri yaVaNyamunda iri kutenda muridzi wepurazi iri, Grant Patterson, nekubatsira uko ari kuita pakutsvagwa kwaKnowledge. Muvakidzani wemhuri iyi, Tendai Wilson (32), anoti akagumisira kuona mwana uyu mangwanani aakazoshaika apo aitamba nedzimwe pwere.

“Inyaya inoshamisa iyi, kunzi mwana akatorwa nemhepo. Hamheno, dzimwe pfungwa tinoti akatorwa nevanhu vanoda kuchekeresa mabhizimisi sezvo ari dangwe sezvinofungwa nevazhinji,” anodaro Wilson.

Annah Chifula (22), anovazve muvakidzani anoti kubva paitika mashura aya, vave kugara vachityira vana.

“Knowledge aitotamba nevana vangu musi uyu. Zvekunzi akauraiwa hatifunge, vanhu vari kuda kumushandisa pahuroyi,” anodaro Chifula.

Vangada kubatsira vanoridza nhare dzinoti 0784 755 027 / 0779 047 689 / 0785 467 511.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey