Kwayedza
Mukadzi wemunhu oda mendenenzi kuchikomba
MUDZIMAI akaroorwa wekuChitungwiza anonzi ari kureva mendenenzi ye$150 kuchikomba achiti ndicho chakamuitisa mwanakomana ane mwedzi minomwe yekuberekwa uyo waari kugara naye nemurume wake. Mumhan’ari, uyo ari kushandisa zita rekuti Mavis Munyoro, wepanhamba 3369 Unit D, ari kuti anoda kubhadharwa mendenenzi naMunyaradzi Chilekwe.Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Lazarus Murendo, akati nyaya iyi ichaenderera mberi nguva iri kutevera.
Akati Munyoro atorwe ma”finger prints” nemapurisa kuti vaone kuti chitupa chaari kushandisa ndechake here kana kuti kwete.
Chilewe ari kurambisisa mhosva iyi achiti mwana ari kureverwa mendenenzi haasi wake uye kuti mudzimai uyu akavimbisa kuti anoda kumupfudzisa asi achiziva zvake kuti mwana uyu ndewemurume wake waari kugara naye.
“Ndiri kumubhadharira mari yemafinger prints kuti paonekwe chokwadi, kuti mudzimai uyu munyepi. Ari kuzviti Mavis Munyoro asi ini ndinoziva kuti anonzi Nyarai, kureva kuti ari kushandisa chitupa chisiri chake mukureva mendenenzi kwandiri.
“Kana murume wake anotoziva kuti mwana uyu ndewake pamwe nevamwe vana vavainavo. Akatombondisungisa, akandirovesa nevanhu achingoti anoda kundipfidzisa,” anodaro Chilewe.
Munyoro anoti akamboenda kunogara naChilewe mushure mekunge aona kuti ave nepamuviri pake painge paine mwedzi mumwe chete.
“Pandakaita mimba, ndakanogara nemurume uyu akanditambira uye airatidza kufara zvikuru. Asi mushure memwedzi mitanhatu akatanga kundinzvenga-nzvenga zvekuti hama dzake dzinotomuziva kuti ndiyo tsika yake yekumitisa madzimai asina mhosva achizopedzisira ave kuramba pamuviri pacho. Akatozviita kune vakadzi vakawanda nekuti haadi kuriritira mhuri,” anodaro Munyoro.
Anoti kubvira mumwedzi waNdira gore rino, Chilewe haana kana kumbomuchengeta pamwe nemwana.