Uncategorized

‘Mwana wangu oda kunditsika nemota’

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso—

VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati ashaiswa rugare nemwanakomana wake uyo waanoti aida kumutsika nemotokari achimuti muroyi, ndiye akauraya baba vake.

Amai ava, Shupikai Pirimi, vakaendesa Donald Chigwenembe kuHarare Civil Court vachimupomera mhosva yekuda kuvauraya uye kuvapumha huroyi.

Mudzimai uyu akaudza dare kuti kubva zvakashaya murume wake, pamba pavo panga pasisina rugare sezvo Chigwenembe achiita basa rekunwa doro nekuzoita mhirizhonga adhakwa.

Amai ava vanoti rimwe zuva mwanakomana wavo akapotsa avatsika nemotokari apo ivo vaienda kuchechi.

“Rimwe zuva ndichienda kukereke, akatyaira motokari yake achinditevera zvekuda kunditsika zviya. Akanditi, ‘Ndikasakuurayai ndinoda kutoenda kuchechi kwenyu ndinoudza mupirisita wenyu kuti muri muroyi anonyepera kereke’.

‘‘Nditori nerimwe gwaro rerunyararo randakatombopihwa mudare muno mugore ra2010 asi haasi kuda kusandura hunhu hwake,” vakadaro amai ava.

Vanoti Chigwenembe ndiye mwanakomana wavo mukuru nekudaro anofanira kuratidza hunhu hwakanaka kune vanomutevera.

“Zvinoitwa nemwanakomana wangu zvinondirwadza. Baba vake vakafa, iye ndiye mukuru wekuti ndinototarisira kuti ange achiona zvose zvepamusha asi hunhu hwake ndehwekuondonga musha. Anondituka pamberi pemuroora, mukadzi wake wandinotochengeta nekuti iye akatetereka nepfambi yake inova mupurisa achinditi ndini ndakauraya baba vake.”

Amai ava vanoenderera mberi: “Kana mabhiri emvura nemagetsi chaiwo haabhadhare. Musi uno ndakamuudza kuti zvatiremerawo kuno, huya utibatsire akati, ‘Makaurayirei baba? Dai vari vapenyu havaimbokona kubhadhara mabhiri iwayo. Musandinetse, makazvipa nhamo nehuroyi hwenyu’.” Chigwenembe akapikisana nemashoko aitaurwa naamai vake achiti manyepo.

“Mashoko ari kutaurwa naamai vangu manyepo, ivo ndivo vane zvakawanda zvavanondiitira zvakatozoita kuti ndibve pamba.

‘‘Handina dambudziko nekuti vapihwe gwaro ravari kuda asi kudai zvaibvira taimapihwa tose magwaro iwayo,” akadaro.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Pirimi gwaro rerunyararo ndokuudza Chigwenembe kuti kana achidawo gwaro rake, akasununguka kuisa chikumbiro chake kudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>