Uncategorized

Mwana wegomarara akashaya

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Mwana wegomarara akashaya Patience Chiota

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA wekuBudiriro, muHarare — wekubuda muKwayedza nguva pfupi yadarika achitsvagirwa rubatsiro rwemari yekuti anorapwa gomarara raimuzvimbisa musoro nekumeso — anonzi akazoshaya.

Patience Chiota — uyo aiva nemakore mashanu nechidimbu ekuberekwa — ange achichengetwa naambuya vake uye anonzi akashaya nemusi wa3 Zvita apo airapwa muchipatara chekuKadoma.

Nyaya yemwana uyu yakabuda mupepanhau rino apo vemhuri yake vaitsvaga US$10 000 yekuti aende kunorapwa kunze kwenyika.

Pakazoshaya Patience, vemhuri yake vanoti mari yaidiwa kuti aendeswe kunze kwenyika yange isati yakwana apo vaingotenderera muzvipatara zvemuno.

Mai Maria Tipisa (42), vanova ambuya vemwana uyu, vakazivisa Kwayedza kuti Patience akashaika.

“Mwana uye, Patience Chiota, akazoshaika nemusi wa3 mwedzi uno apo takanga taenda naye kuchipatara cheKadoma General Hospital uko akanoshaikira.

Taingoedzawo kuti dzimwe nguva Mwari vaigona kutinzwa asi zvakaramba.

“Ndinotenda zvikuru vanhu vange vatanga kutipa mari kubva pamakaburitsa nyaya iyi zvisinei nekuti yanga isati yakwana kuti tibude nemwana kunze, asi tinozvitenda,” vanodaro Mai Tipisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>