Uncategorized

Mwana wekumbotorwa neshiri akura

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Mwana wekumbotorwa neshiri akura

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MWANA wekwaGoredema, kuGokwe, uyo wekumbotorwa neshiri achiri mucheche – ikabhururuka naye kwechinhambwe ari mudenga, ndokuzomudonhedza pasi – ari kuyaruka zvisinei nekuti ane matambudziko anosanganisira kugara achirotomoka.

Tafadzwa Makore (3) uyo anogara nevabereki vake mubhuku raMakore aive nemwedzi mitatu yekuberekwa apo kwakaitika mashura ekutakurwa kwake neshiri isina kuzivikanwa rudzi rwayo pakutanga kwegore ra2015.

Paakatakurwa neshiri yakazomudonhedza iyi, mwana uyu ainge akarariswa mumunda apo amai vake vaisakura.

Tafadzwa naambuya vake

Pazvakaitika, amai vaTafadzwa – Barbra Nzou (25) – vanoti vakazochechuka voona mwana wavo ava kutobhururukwa naye mudenga neshiri nhema.

Shiri iyi inonzi yakabhuruka nemwana uyu kwechinhambwe chingangoita mamita 200 apo yakazomudonhedza pasi.

Mwana uyu paakadonhedzwa pasi, zvinonzi kwakatinhira zvekuti amai vacho vakamhanya nekutya asi vakamuwana achinyemwerera arere negotsi uye asina kana vanga rekukuvara zvekare mbatya dzake dzisina kubvaruka.

Zvakadai, vabereki vemwana uyu – baba vacho, Cosmas Makore (37), amai zvose naambuya amai vababa, Easther Kuyana (68) – vanoti Tafadzwa ari kukura sevamwe asi ane matambudziko makuru.

Tafadzwa ari mucheche aina amai vake

Svondo rapera Kwayedza yakasvika pamusha pemhuri iyi ndokuwana Tafadzwa achitamba pachivanze pedyo naambuya vake apo baba naamai vake vainge vasipo.

“Ndiyeyu mwana wemwana wangu, chizukuru changu chamakambovinga pano chatorwa neshiri tikafunga kuti aizotadza kurarama uyu. Kwakauya n’anga nemaporofita aishura mare kuzobatsira mwana uyu, nanhasi aripo uyu mupenyu.

“Ane matambudziko pano neapo, haakwanise kudya zvakanaka uye anomborotomoka nekutadza kufema zvakanaka. Tinoti pamwe hunye hwezvakamboitika kwaari,” vanodaro ambuya vaTafadzwa.

Vanoti mwana uyu – uyo anova wekutanga wemwanakomana wavo – havazive kuti haachaita here mamwe matambudziko nekuda kwezvakaitika izvi.

Cosmas Makore

“Amai vakewo vari kutya nekuda kwezvakamboitika kudangwe ravo. Hatimire kufamba naye sezvo zvichinzi dambudziko iri richinaye,” vanodaro.

VaZesa Chihwande Makore (46), vanova babamukuru vaTafadzwa, vanotenda vose vakabatsira mwana uyu kusvika izvozvi sezvo vachiti vakawanda vaitarisira kuti aisazorarama zvekusvika nhasi uno.

“Tinaye mwana mupenyu, tinoramba tichingofamba naye kungava kumachechi kana kudzin’anga tichitsvaga kurarama kwake nekuti zvakaitika kwaari hatina kumbobvira takazvinzwa pasi rino. Mwana kutakurwa neshiri kuendwa naye mudenga? Kashiri kadiki kakaita senjiva kutakura mwana airema 9 kgs? Aya aingova masaramusi chete,” vanodaro.

Kwayedza yakataurawo naTafadzwa uyo aitodavira nekuuchira pakukwazisa vakuru.

Mumamwe mashura mudunhu reGokwe zvakare, makore adarika kune imbwa inonzi yakatakurwa negondo ikaendwa nayo zvachose uyewo kune madzimai aifuma asina kupfeka zvipfeko zvemukati musha wose izvo zvakazowanikwa zvakaunganidzwa mune rimwe sango reko.

Zvichakadai, Mutumwa Strive Masango vechechi yeKubata kwaVapositori kuRugare, muHarare, vanoti mhuri yaTafadzwa haifanirwe kuvarairwa nekuda kwemwana uyu sezvo vachiti anoda kugara achinamatirwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey