Uncategorized

Mwana wekutsakatika haasati awanikwa

12 Feb, 2022 - 16:02 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANASIKANA ane makore 12 okuberekwa wekuRuwa, uyo akashaikwa munaKurume wegore rapera achibva kuna baba vake achienda kuMabvuku, muHarare uko aigara naambuya vake, anonzi haasati awanikwa kusvika nanhasi.

Abigail Marecano (12) akashaikwa achibva kumba kunogara baba vake, VaAleck Marecano (41), kuRuwa achienda kuMabvuku kwaaigara naambuya nasekuru vake uko aipinda Grade 7.

Ainge odzokera kuchikoro paakatsakatika.

“Tasvika gore mwana ashaikwa tichingochema nekushungurudzika tichimutsvaga. Mwana wangu Abigail aiva ruva remwoyo wangu. Aigara naamai nababa vangu kuMabvuku.

“Takwidza nekudzika kun’anga nekumaporofita tichitsvaga mwana uyu asi hapana chabuda, mari yapera nekubhadhara vanhu ava tichingonyeperwa,” vanodaro VaMarecano.

Abigail anonzi akashaikwa nemusi wa14 Kurume 2021 achida kudzokera kuMabvuku.

“Mwana uyu aiita Grade 7 pachikoro cheTashinga Primary kuMabvuku. Nekuda kwechirwere cheCovid-19, zvikoro zvaiva zvakavhara apo akabva kuMabvuku ndokuuya kuzombogara neni kuRuwa.

“Zvino nemusi wa14 Kurume, akazobva kumba akaperekedzwa nemukoma wake, Idah Marecano (21), ndokukwidzwa Toyota Wish yeblack pachiteshi cheSamutoko kuRuwa achida kuenda kuMabvuku,” vanodaro VaMarecano.

Abigail anonzi aifanirwa kunoburukira pachiteshi chepaTM kuti azokwira dzimwe motokari dzinoenda kuMabvuku.
“Mukoma wacho akadzoka kumba achimusiya akwira motokari iyi inonzi yaiva nevanhu vashoma. Kubva ipapo, mwana haana kuzoonekwa zvakare.

“Handina zororo kubva pakaitika nyaya iyi, ndapera kuwonda kuita tsono. Ndinokumbira kune vanogona – dzingava n’anga kana maporofita nevamwe vezvemweya kana vanoziva – vandibatsire kuti ndiwane mwana wangu angava mupenyu kana akafa ndizorore. Zviya zvinonzi vamwe vanorota munhu achitaura kwaari, ini hapana zviri kuitika,” vanodaro VaMarecano.

Vanoti kwavanofamba vanotaurirwa mashoko akasiyana, vamwe vachiti mupenyu, vamwewo vachiti akafa.

“Nyaya iyi takaimhan’ara kumapurisa ekuRuwa nekuMabvuku avo vari kutibatsirawo nerumwe rutivi kuti tiwane mwana wedu. Kune vanondibatsira, handina chekuvatenda nacho kunze kwaMwari anovapa korona yavo nekuti ini ndapererwa, dai chikamu ichi chachidarika zvacho,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa vachiri kutsvaga mwana uyu.

“Tine hurombo nenyaya iyi, isu semapurisa tiri kufambira mberi nekuferefeta nyaya iyi uye tichikumbirawo kune vanoziva nezvenyaya iyi kuti vatibatsire.

“Senguva dzose, tinokurudzira veruzhinji kuti vasakwire motokari dzemishikashika idzo dzisingabvumidzwe. Kuita izvi kuzvipinza muna taisireva uye tine nyaya dzakawanda dzinoitika vamwe vachibirwa nezvimwe zvakasiyana,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Kune vanoda kubatsira munyaya iyi vanoridza nhare dzinoti 0773 026 674, 0712 723 285, kana dzaAsst Comm Nyathi dzinoti 0716 800 107.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>