Uncategorized

Mwana wekuzvimba muviri akashaya

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

MWANA uye wemakore mapfumbamwe okuberekwa wemuHarare, uyo aive nedambudziko rekuzvimba muviri, akashaya svondo rapera pamberi mushure mekunge hurwere hwake hwakomba.

Amai vemwana uyu — Natasha Tayo — Mai Linda Tayo, vanoti vakanga vasvika pakugumirwa nehurwere hwemwana wavo.

“Mwana akanga ava kurema 30 kgs nekuzvimba muviri, ndipo paakatanga kurwarisa uye akazoramba akarara kusvika musi wa28 Zvita tichingofunga kuti kuzorora hake ndokuzoona kuti akange atofa,” vakadaro.

“Natasha akarwara kwenguva refu takaedza zvese kuchipatara, kumaporofita nekun’anga asi mari dzakaendera pasina nekuti hapana chaichinja. Ndakasvika pakuneta nezvekumaporofita nekupera mari kwandakaita uye takatengesa midziyo yakawanda tichitsvaga mari yekumurapisa.

“Kuchipatara mari dzaidiwa handaidzikwanisa, kunotova nezvikwereti zvisati zvabhadharwa,” vakadaro.

Vanoti vakagurwa kunorira nerufu rwemwana wavo.

“Hurwere hwemwana wangu hwakandishungurudza, ndiri kunzwa kurwadziwa nekufa kwake sezvo zvose zvandaiita kwakanga kuri kushinga saamai kuti mwana awane rubatsiro. Ndaifunga kuti achaita zvakanaka asi zvakaramba.” Sahwira wavo, Mai Gladies Chaya (52), vakati vari kurwadziwa zvikuru nerufu rwaNatasha.

Natasha akavigwa kumarinda ekuMbudzi, muHarare musi wa30 Zvita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>