Uncategorized

Mwari ndipeiwo mari

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

SAKA upenyu hwako huri kutofaya huri zvahuri so? Ini hwangu hausi kufaya. Ndaneta nekutsvaga mari. Kana ndaiwana ndoidya, yopera ndotanga kutsvaga imwe futi. Ndaneta nekushandiswa sechikorobho nenyika. Ndiri kutsvaga munhu akaba mufaro wangu akautengesa nedhora. Ndiri kunyara kurarama upenyu hwekugara ndichikumbira mari kuna Mwari.

Kuita minamato inenge yekuti ndichapedzisira ndabata Mwari collar handizvigone. Kurwa naMwari kwakaitwa naJacob, ini ndinoda kutaurirana naMwari nekuti Jesu akandiita kuti ndive mwana waMwari. Kana ndiri mwana waMwari zvinoreva kuti Mwari ndibaba vangu, saka ndinofanira kukumbira baba semwana, kwete sebhanditi.

Ndinoziva kuti Mwari vanotarisira zvimwe zvinhu zviri nani kubva kwandiri, zvisiri kuWatsapura kana kuLaika paFacebook. Ndinofunga kuti ndave muranda wekukwidza nekudzika kunge kombi inongonzi inofamba nenzira imwe chete, ichinzvenga mapothole mamwe chete, ichitakura vabereki vamwe chete, nekumira panzvimbo dzimwe chete – muchangotena, before marobhotsi, after hump, pasecond left turn.

Ndine rwendo rwusiri rwendo rwuno rwandiri kufamba. Rwendo irworwo ndinofanirwa kuti ndifambe ndichiri kuona, uye ndichiine simba rekufamba. Ndinofanirwa kuperekedzwa newe, asi unobhowa nekuti nyaya dzako inyaya dzekudhakwa. Nyaya dzako ndedzeChele Chele. Nyaya dzako ndedzekukwereta mari nezvikwereti zvausina kubhadhara.

Ini ndine vakandikweretawo vakasabhadhara. Asi ini ndiri kuda kuti umbofunga zvakadzika sechirauro, zvinoburitsa magwaya emazano mumvura. Ndiri kuda kuti umbomira kutaura nyaya dzekugocha. Iwe unotofunga zvako zvekugocha iwe uine zvikwereti zvevanhu?

Ndiperekedze tiende kunogara pasi. Kana tasvika kwandiri kuda kuti tiende, ndiri kuda kuti umbokanganwa kuti une madhiri awakateya. Ndiri kuda kuti umbonyarara, usiye muromo wako umbomharwawo nenhunzi. Ndiri kuda kuti ufunge.

Kana wafa uchasiya chii panyika pano? Uchasiya vana vatatu vasina baba? Uchasiya zvikwereti zvikuru nezvidiki? Uchanzi chii nevachauya kunhamo kwako?

Ndibatsirewo titsvage humwe upenyu huri mukati meupenyu huno hwatiri kurarama. Ndiri kutya kutambisa upenyu hwangu. Ndiri kuzviona kuti ndiri kutosakara sekombi zvekuti manje manje ndichange ndisisafambe.

Ndiri kuramba upenyu hunenge hwetishu. Kana rikafuriswa dzihwa kana kupukutiswa harichakwanisa kuramba rakachengetwa. Rapedza basa, rave kuda kufurashwa.

Ndiri kuda upenyu henenge hwehingichepfu, ndikasviba, ndigocheneswa zvakare kuti ndirambe ndichishanda. Kana ndazosvika kuna Mwari ndichanoti kudii neupenyu hwavakandipa? Ko ndasvika here pandiri kufanirwa kusvika?

Kana nyika yakandigadzirira saizi – bhutsu saizi 10, tirauzi saizi 36, bra saizi 38c zvichienda zvakadaro – Mwari vakandigadzirira saizi here? Mwari vakandivakira danga here? Vanofungei neni?

Unoziva, ndine zvizhinji zvandinoda kuita. Ndine zvizhinji zvakanaka zvandinoda kuita, asi ndiri kushaya nguva. Ndinotarisa maruva, ndonzwa jerasi nekuti haakundikane seni.

Kana nguva yekutumbuka yakwana, anotumbuka achiyevedza nekushongedza. Anoita mhodzi, kuti pagozovewo nemamwe maruva akafanana naiwo, maruva anoyevedza.

Maruva haafarise nyangwe akange ari mumawoko emunhu ari kuchata, nekuti maruva anoziva kuti haasiriwo ari kuchata.
Ndiri kuda kuparidza shoko raMwari. Ndiri kuda kuita chapupu, asi handisi kuda kuparidza kuti ndiwane mari. Handisi kuda kuparidza kuti ndiwane mbiri yekuti vanhu vanditaure kudarika kutaura kwavanoita Mwari naJesu.

Ndiri kuda kuti Mwari vakure, ini ndiite mudiki. Mwari ngavaite gomo, ini ndive chitutu chegurwe. Ndiri kuda kuti Mwari vave Mwari, ini ndive munhu kwete nhubu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>