Uncategorized

‘Mwari vari kuuya muZim’

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
‘Mwari vari kuuya muZim’ Talent Madungwe

Kwayedza

MUPOROFITA uye wekuti akaenda kudenga kaviri apo anoti akanoita musangano naMwari mbune, mushure ndokuzogadzwa kuva muporofita wepasi rose (prophet of all nations), haasi kudzokera shure nemashoko ake zvisinei nekuti ari kushorwa neveruzhinji.

Prophet Talent Madungwe (30) auya neitsva — ava kuti nguva yadarika akashanyirwa nengirozi kumba kwake ikamuudza kuti Mwari vachashanyira Zimbabwe mumwedzi waGumiguru gore rino.

Nyaya yaProphet Madungwe (30) wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries iyo iri mumusha weSunningdle, muHarare, yakatanga kubuda muKwayedza masvondo maviri adarika achiti akaenda kudenga kunoita hurukuro naMwari kekutanga musi wa1 Ndira ndokudzokerazve musi wa4 Chikumi gore rino.

Vaverengi vebepanhau rino vakamushoropodza zvikuru, vamwe vachimuny’omba nekuda kwemashoko ake aya.

Zvisinei nezviri kutaurwa neveruzhinji, vamwe vachiti murume uyu anofanirwa kuongororwa pfungwa dzake, Phophet Madungwe vakadzoka kumahofisi eKwayedza svondo rino vaine “nyowani”. Anoti pane ngirozi yakauya kwaari nemusi wa20 Chikunguru apo ainamata ari kumba kwake ichimuti Mwari mbune, vekumugadza kuva muporofita wepasirose, vachauya muZimbabwe.

Anoti ngirozi iyi yaive yechirume iyo yakasvikomhara paaive ndokumuudza kuti Mwari vaizomushanyira mukati memazuva 90 kubva zuva iri, musi wa20 Chikunguru. Anoti achashanyirwa musi wa20 Gumiguru.

Prophet Madungwe, uyo watisingakwanise kuti anopenga kana kuti kwete, anoti ngirozi iyi yakamuudza kuti Mwari pavachashanya vachazvikotaura naye nekuda kwematambudziko akasiyana epasi rose, kusanganisirawo emuZimbabwe.

“Ndatomirira kuuya kwaNyadenga apo ndiri kuzvipa nguva yekunamata zvakasimba kuitira kusangana nemukuru. Zvichemo zvose zvepasi rino ndichavapa nekuti ndini ndoga wenyama ndakwanisa kusangana naMwari pari zvino kunze chete kwewekutanga, Abraham,” anodaro.

Anoti pose paanonamata kuchechi kwake, musango kana mumba, anomomoterwa nengirozi idzo anoona oga kunyangwe aine vamwe vanhu.

“Ndinoda kuudza vana veZimbabwe kuti Mwari vari kuzoshanyira nyika ino pamazuva 90 ari kutevera aya uye matambudziko edu ava kuzopera. Zvevanondishora vachiti ndave kurwara nepfungwa kana kuti ndiri muSatanist hazvindishamise nekuti ivo Jesu chaivo mbune, vakarambwa nevanhu. Zvino izvi hazvisi zvekutamba, Mwari vari kuuya, ndakaita misangano navo kaviri,” anodaro apo akashanyira Kwayedza pasina kukokwa.

Tiudzei kuti munoti kudii nemurume uyu panhamba dzinoti 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>