‘Mweya’ unomutuma kuzvambura mukadzi

22 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
PANE mukadzi anoti anogara achirohwa kunge nyoka yapinda mumba nemurume wake apo anenge akabatwa “nemweya”.

Susan Panashe akamhan’arira Shadreck Panashe kudare reHarare Civil Court achiti: “Murume uyu anondituka pamberi pevana achinditi handina kukwana pfungwa, hadzishandi achipomera kurwara kwandakaita necancer (gomarara). Changamire, kana baba ava vatanga kundituka ndinosvika pakuchema pamwe nevana.

“VaPanashe vanondirambidza kuenda kumashops edu akanzi Panashe Enterprise atakatanga tose uye andakashandira ndisati ndarwara.

“Kana zvakamubata zvekwaamai vake, anondirova zvekuda kutondiuraya chaiko. Mweya uyu akautumirwa naamai vake,” anodaro Susan.

Shadreck akapokana nemashoko aya achiti haarovi Susan, kumutuka kana kutaura zvakaipa pamusoro pechirwere chake.

“Handina pandakambomurova ini, dai ndaimurova angadai asiri mupenyu uye hapana paakamboenda kumapurisa kunomhan’ara kuti ndinomurova.

“Kana iri nyaya yekumurambidza kuenda kumashops kunyepa, anoenda uyu,” anodaro Shardreck.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Susan akati asarambidzwe kusvika kumabhizimisi avo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey