Uncategorized

Mweya wemwana wapfuka . . . ‘Ramba Tione, Ndiwe Wakandiponda’

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Mweya wemwana wapfuka . . . ‘Ramba Tione, Ndiwe Wakandiponda’ MAMBO MAKOPE

Kwayedza

MAMBO MAKOPE

MAMBO MAKOPE

MURUME wekumapurazi ekuMvuranhema, kuMvurwi, ari kunongedzerwa nemweya uri kusvika pane mumwe mudzimai weko kuti ane ruzivo nekutsakatika kwakaita kamwe kasikana kemunzvimbo iyi mugore ra2002 achinzi ndiye akamuuraya nevamwe vake uye anoziva pane marangwanda ake.

Kudakwashe Chinyanga (42) anonzi akatosungwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi, iyo ichiri kuferefetwa.

Izvi zvinotevera kutsakatika kwakaita Rosemary Musoki, uyo aive Grade 1 mugore ra2002 apo aitamba nevamwe vake mukomboni yepapurazi iri.

Kubva paatsakatika, mwana uyu kana marangwanda ake haasati awanikwa.

Nyaya iyi yakapinda mudare raMambo Makope, VaJacob Mapirinjanja (46), nemusi weSvondo wadarika Chinyanga ndokunzi aripe mombe ina dzekuramba mhosva yaanonzi anoziva.

Kutongwa kwenyaya iyi kudare rambambo kuri kufambira mberi apo dare iri rakamirira kuti kufambwe kumasvikiro nemaporofita kuitira kuti chokwadi maererano nekushaikwa kwemwana uyu chibude pachena.

Chinyanga ari kuramba mhosva iyi achiti zvichida mweya uri kumunongedzera kuti ane chekuita nekutsakatika kwaRosemary wakatsipikwa nevapari nemhosva iyi, nekudaro vanofarira kufamba kwakasiyana kuti chaizvo zvakaitika zvijekeswe.

Musi waazotsakatika, Rosemary anonzi akabva kuchikoro ndokusvikobvisa yunifomu achibva atanga kutamba nevamwe vana vemukomboni.

Mashoko akabuda mudare iri anoti mwana uyu akazobva paiva nevamwe vake achiti akanga aridzirwa muridzo naamai vake avo akati vaiva kumunda, uko akaenda ndokushaikwa zvachose.

Amai vake vanonzi vakazobva kumunda vachibvunza mwanasikana wavo uyo vakashaya ndokutanga kutsvaga nevamwe asi vakamushaya.

Vabereki vemwana uyu ndiVaJonathan Musoki naMai Anduka Usi.

Mweya waRosemary unonzi uri kusvika pana Judith Katenaire (37), uyo anova mwana waVaMaxwell Katenaire naMai Snavy Katenaire uye mhuri iyi haina hukama nemwana wekutsakatika uyu.

Mweya unonzi uri kubuda uchitaura kuti mapfupa emwana uyu, ayo anonzi ari pakati pematombo maviri akamira nerimwe rakaradzikwa kumasango eMavhuranhema, unoda kuradzikwa zvine chiremerera.

Mweya uyu unonzi wakabuda katatu uchiunganidza vanhu munzvimbo iyi ukananga Chinyanga uchiti anoziva firo yakaita Rosemary.

Chinyanga, unonzi unodaro mweya uyu, anofanira kutungamirira vanhu panzvimbo yavakaisa mutumbi waRosemary apo panonzi pane chipenga cherokwe raaiva akapfeka.

Zvakadai, Chinyanga mudare anonzi akaramba mhosva yaaipomerwa iyi achiti hapana zvaanoziva nekutsakatika kwemwana uyu.

Chinyanga anonziwo ane vaanogara navo avo akataurira kuti pane vanhu vatanhatu vaakashanda navo mukutsakatisa Rosemary, izvo anoramba achiti mashoko enhema.

Mambo Makope vanoti dare ravo rakaona kuti Chinyanga airamba nyaya yaanoziva achivapedzera nguva izvo zvakaita kuti vamuripise mombe ina.

“Kune vanhu vakawanda vakataura nemurume uyu achibvuma nyaya iyi, kuti anoziva mafiro akaita mwana uyu apo aitotsvaga n’anga nemaporofita kuti vamubatsire.

“Zvakare kumba kwake kune matambudziko ekurwarirwa nevana zvisinganzwisisike uyewo fodya yake yakapiswa nemoto usina kuzivikanwa kwawakabva,” vanodaro mambo.

Vanoti nyaya iyi yakataurwa kare nemasvikiro kuti firo yemwana uyu ichabuda pachena kana nguva yacho yakwana.

“Ndakazoshevedza mapurisa sezvo mweya uri kutaura woga kuti vasunge Chinyanga ataure chokwadi kwavari. Akaenda kumapurisa neSvondo iyoyo tapedza dare akanorarako. Asi tinoda kuzofamba kumasvikiro apo mapurisa vari kuita basa ravo,” vanodaro Mambo Makope.

Vanoti dunhu ravo rinoyera uye pari zvino mvura haisi kunaya zvakanaka nekuda kwenyaya dzakadai.

“Mweya uyu uri kuti wakapfunya chisero mumba maChinyanga zvinoreva kuti achadura oga atambudzwa nawo,” vanodaro.

Achitaura, Chinyanga anoti hapana zvaanoziva nekutsakatika kwemwana uyu.

“Handina chandinoziva munyaya iyi uye panguva yakashaika mwana uyu ndaiva mupurazi umu musati mambowanda vanhu zvavaita zvino. Ini ndinoti mweya uyu ngautungamirire vanhu kunosviga pane marangwanda ake nekuti ini handina ruzivo nezvake. Ndinoda kuti tifambe nekuti dzimwe nguva mweya uyu uri kurasiswa nevapari mhosva iyi vachiutandira,” anodaro Chinyanga.

Norman Mondoka (33), anova mutumwa wamambo, anoti akaridzirwa nhare naChinyanga achibvuma kuti nyaya iyi anoiziva.

“Murume uyu akandifonera achiti anoda kuona mambo nekuda kwenyaya yemwana wekushaikwa uyu, achiti aivepo uye anoda kufumura vanhu vakaita izvi.

‘‘Akatiwo aitsvaga maporofita nen’nga zvatinofunga kuti ari kunetswa nemweya wemwana uyu,” anodaro.

Anonzi mashoko mamwe chete aya akaataura kumunyori wedare ramambo, VaEdmore Mandende.

Zvisinei, Chinyanga ari kuramba mashoko ekuti pane vanhu vaakaudza kuti anoziva matsakatiro akaita mwana uyu achiti iyi inzira yekuda kumuroverera pamhosva yaasingazive.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti nyaya yekutsakatika kwaRosemary haisati yasvika kumahofisi avo uye vanoda nguva yekumboongorora mafambiro ayakaita.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>