‘Mweya wetsvina unondidariso’

24 Mar, 2016 - 09:03 0 Views
‘Mweya wetsvina unondidariso’

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
TEZVARA wekuzvambaradza hanzvadzi yake pamwe chete nemuzukuru achivarova pamazamu apo anoti akange abatwa nemweya wetsvina akazozvidemba mukuwasha wake oda kumurikita nekuda kwenyaya iyi.Edward Madziyanike akamhan’arira muzukuru wake Shingirai Mazorodze, pamwe chete nababa vake avo vasina kutaurwa zita ravo mudare reHarare Civil Court achiti mukuwasha amushaisa mufaro mushure mekunge amborova mwanasikana wake pamwe nemukadzi wake.

“Changamire, ndinokumbirawo kudzivirirwa nekuti mukuwasha wangu pamwe nemwanasikana wake vave kuuya vachindishungurudza zvekuti ndave kutotyira upenyu hwangu. Vari kutoda kundiuraya.

“Takamboedza kugadzirisana asi zvakaramba nekuti havasi kuda kubvuma kuti ndakange ndabatwa nemweya wetsvina pandakasvika kumba kwavo. Iye zvino handisi kuda kuti vasvike kumba kwangu nekuti handizivi kuti vari kundifungirei, ndinogona kungomuka ndafa,” akadaro Madziyanike.

Shingirai akapokana nezvaitaurwa achiti havatozivi panogara sekuru vake asi kuti ivo ndivo vanoenda vachikonzeresa bongozozo.
“Ini pamwe naamai vangu tisu tave kutogara tichityira upenyu hwedu. Sekuru vaipopotera amai vangu vachiti pamba pababa vavo hapagari vana vemukuwasha vakabva vavarova. Mushure mekuchema ndichitsiura sekuru kuti vasarove amai vangu, vakabva vandibata pahuro vachiti vari kuda kundiuraya.

“Pandakaedza kupukunyuka, vakabva vandikanda pamubhedha vakatanga kundirova mazamhu vachiita sevasvikirwa. Ndakazomhanya kumapurisa vakasungwa.

“Sekuru vakazochaya nhare vachikumbira ruregerero vachiti vakange vabatwa nemweya wetsvina amai vangu ndokuvanzwira tsitsi ndokuti vaburitswe,” akadaro.

Shingirai akaenderera mberi achiti akashamiswa pavakatambira masamanisi ekuti vanodiwa kudare ivo vari ivo vakatadzirwa.
“Zuva rakatevera mushure mekunge vabuda mutirongo, ndipo patakawana masamanisi ekudare rino. Ini handizivi kuti sekuru ndakavatadzirei zvekusvika pakuda kunditambudza zvakadaro.

“Dziviriro yavanoda vachiisa zita rababa vangu hainzwisisike nekuti dai baba vangu vakanga vaine moyo wakadaro, mushure mekutidzipa vangadai vakatovauraya kare.

“Pamusoro pazvo, vakanga vasitoripo vakatozonzwa zvakange zvaitika pavakachairwa nhare,” akadaro.
Mutongi Barbra Mateko akati nyaya iyi yaizodzoka mudare zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey