Nagelsmann anoda kushanda naHenry

08 Jun, 2023 - 19:06 0 Views
Nagelsmann anoda kushanda naHenry Julian Nagelsmann

Kwayedza

JULIAN Nagelsmann anonzi anoda kuti shasha yeArsenal Thierry Henry agove mutevedzeri wake kana akawana basa rekuva maneja mutsva weParis Saint-Germain.

Nagelsmann, uyo akaramba mukana wekutungamira Chelsea pamwechete nechigaro chinopisa kuTottenham, ari muhurukuro dzekutsiva Christophe Galtier samaneja wechikwata chekuFrance ichi.

Sekureva kweTelegraph, aimbove murairidzi weBayern Munich, Nagelsmann anoda kuti aimbove mutevedzeri wamaneja weBelgium (Henry) adzoke kuzorairidza nhabvu agove mutevedzeri wake kana akagadzwa pachigaro chinopisa kuParc des Princes.

Zvinonzi kunyangwe Nagelsmann naHenry vasati vamboshanda pamwe chete, kuvepo kwaHenry kuchikwata ichi kuchagamuchirwa zvikuru nemutambi wePSG, Kylian Mbappe, sezvo vaviri ava vane hukama hwakasimba.

Thierry Henry

Basa raHenry rekupedzisira achirairidza nhabvu rakamuona achishanda ari mutevedzeri waRoberto Martinez apo vakatungamira Belgium kumutambo weQatar World Cup gore radarika.

Henry (45) ane ruzivo rwekurairidza nhabvu kuLigue 1 sezvo akamborairidza chikwata cheMonaco icho chisingaonane nePSG ndokuzonorairidza kuMLS kuMontreal Impact.

Share This:

Sponsored Links