Uncategorized

‘N’anga, maporofita musabire vanhu’

07 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
‘N’anga, maporofita musabire vanhu’ VaKandiyero

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA pamwe chete nemasangano anomirira n’anga nemaporofita voshungurudzika zvakanyanya nekuwanda kuri kuita varapi vechivanhu vari kushandisa dandemutande kubira vanhu mari yavo nehumwe hupfumi hunokosha kubvira pakanyuka chirwere cheCovid-19 munyika muno.
Dzimwe n’anga nemaporofita vari kunyepa zvakare kuti vanorapa denda iri zvisinei nekuti harisati rawanirwa mushonga wekurirapa pasi rose.
 Pari zvino, pane mushonga wenhomba chete unokwanisa kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti maporofita nen’anga dzechitsotsi vanobira vanhu mari nezvimwe vari kuwanda.
“Kuoma kwezvinhu nekuda kwedenda reCovid-19 kwakonzera kuwanda kwen’anga nemaporofita echitsotsi, vanoita zvose-zvose kuti vatorere vanhu mari nezvimwe. Tinokurudzira veruzhinji kuti mukaona vanhu vakadai mhan’arai kumapurisa nenguva vasungwe,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Sangano reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA) neZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha) vari kushoropodzawo n’anga nemaporofita vari kushandisa mukana wekuvepo kwedenda iri kurozva vanhu hupfumi hwavo nenzira dzakasiyana-siyana.
Bishop Cuthbert Nyaruvenda vanova mukuru weZINPA vanoti kubvira patakanga denda iri muna2020, sangano ravo riri kuona kuwanda kwevarapi vechivanhu vari kushandisa dandemutande mubasa ravo avo vanove maguruvhani.
“Kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 mukupera kwegore ra2020, tiri kuona kuwanda kwemaporofita nen’anga dzechitsotsi dzinoshandisa dandemutande dzichitsvaga varapwa. Izvi zvaita kuti vanhu vakawanda vanoda kubatsirwa vabirwe mari yavo nezvimwe zvinokosha,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.
Vanoti kune varapi vakawanda vasina magwaro ekuita basa vari kutsotsa vanhu mari yavo kuburikidza nedandemutande.
“Varwere vakawanda nevamwe vanoda kubatsirwa mune zvakasiyana vari kuuya kumahofisi eZINPA vachiti vakabirwa mari nen’anga kana maporofita vanenge vachiti inhengo dzedu. Izvozvi tine chikwata chevanhu vanozviti maporofita nen’anga vanozvidaidza kuti ‘Huswa Nemarara’ vanonyepera vanhu kuti vakaendesa mari kwavari inozodzoka yapetwa kana (4) kana kashanu. Vanoti ukaendesa US$1 000 inozodzoka kwauri yava US$4 000 kana US$5 000 uye vakawanda vapera kubirwa nenzira iyi,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.
Vanoenderera mberi vachiti, “Ndine umboo hunosanganisira mavhidhiyo emaporofita nen’anga ava vachitaurira vanhu kuti vaunze mari chero yavainayo inosanganisira yemuno nemaUS$ nemaRands. Vanoti vanowanikwa kuSouthlea Park muguta reHarare uyewo vachiti vane mahofisi kuSouth Africa nekune dzimwe nyika. Asi ukaendesa mari kwavari hauzovawane vanhu ava.”
Vanoti vanatsikamutanda vari kutsotsawo vanhu nekuvapumha huroyi izvo zviri kusiyana mhuri zhinji dzapesana.
“Tinokurudzira veruzhinji kuti kana vasinganzwisise vanhu vanoda kuvarapa, ngavataure nyaya dzavo kumapurisa kana kuridza nhare kusangano redu,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.
Mashoko avo anotsinhirwa naVaGeorge Kandiyero vanova mukuru weZinatha vachiti varapi vechivanhu vechitsotsi vari kushandisa dandemutande vawanda.
“Varapi vechitsotsi vawanda zvikuru kubva pakatanga denda reCovid-19. Vamwe vavo vari kuudza vanhu kuti vaise mari mumaakaundi ekubhengi akasiyana kana kutumira nenzira dzinoshandiswa pakutumira mari kunze,” vanodaro VaKandiyero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>