N’anga nemaporofita vakatorerwa zvitupa

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
N’anga nemaporofita vakatorerwa zvitupa

Kwayedza

SANGANO reTraditional Medical Practioner’s Council (TMPC), richishanda pamwe nereZimbabwe National Practitioners Council (ZINPA), rakatora marezinesi 40 evarapi vechivanhu vaishanda zvisiri pamutemo nedonzvo rekuchengetedza utano hweveruzhinji.

Vachitaura pamusangano wakaitirwa kuChinhoyi svondo rapera, Mai Jennifer Mawuzhendi, avo vanove chief licensing inspector kuTMPC, vakati gore rapera vakatorera varapi vechivanhu vanosvika 40 marezinesi vachiti vaishanda zvisiri pamutemo.

“Gore rakapera takatorera varapi makumi mana marezinesi mushure mekunge vabatwa nemhosva dzakasiyana sekukonzera rufu kuvarwere, kubira vanhu mari dzavo, kuita zvanaTsikamutanda nedzimwe mhosva.

“Vamwe vakatomiswa pamberi pematare edzimhosva. Gore rino, tiri kuenderera mberi nechirongwa ichi sezvo varapi vemanyepo – vechivanhu nevemachechi – vari kuramba vachiwanda, zvikuru muno muChinhoyi munonzi marura nekuda kwanaTsikamutanda,” vakadaro.

Mai Mawuzhendi vakakurudzira varapi vechivanhu nevemakereke kuti vanyorese zviri pamutemo.

“Kana munhu akafira kuchipatara munoona pasina chipomerwa kuvarapi asi kana akafira pakirawa kana kun’anga inoita nyaya huru inotobuda mumapepanhau chikonzero chiri chekuti hamuna mamochari.

“Tinoda kuti munge muchitumira varwere kuzvipatara kwete kuzvipembedza muchiti munogona kurapa zvirwere zvose,” vakadaro.

Mai Pedzisai Jema, avo vanoona nezvevana kusangano reChild Care kuChinhoyi, vakati vanofara zvikuru nedanho riri kutorwa nesangano reZINPA rekuchenjedza vanhu maringe nevarapi vemanyepo.

“Tinofara zvikuru nechirongwa ichi nekuti chinobatsira mukurwisa kuparwa kwemhosva nevarapi vechivanhu nevemachechi. Kune vamwe varapi verudzi urwu vanotobatsira mukumbunyikidzwa kwevana apo vanovavheneka humhandara, kuvaroodza kumadhara, kuripisa ngozi nezvimwe,” vakadaro.

Sabhuku Gideon Nyandoro vekwaMagonde, kuMhangura, vanoti kudunhu ravo kune dambudziko ranaTsikamutanda avo vanorozva vanhu upfumi hwavo.

“Vamwe varapi vechivanhu vapedza kuputsa misha yevanhu nekuti vanouya vachipumha vanhu huroyi vanhu vopedzisira vave kurwisana kana kurambana. Kana zvadaro vana vanosara dzave nherera.

“Zvipfuyo zvakaita sembudzi, hwai nemombe zviri kungotorwa pachena nevarapi vechivanhu vemanyepo,” vakadaro Sabhku Nyandoro.

Mumwe murapi wechivanhu, Mbuya Bennadet Maponga, vakati zvakakosha kuti murapi wose ave nemagwaro ekushanda zviri pamutemo.

Mutungamiriri weZINPA, VaFriday Chisanyu, vanoti vari kuedza nepavanogona kurwisa nyaya dzekutengeswa kwemishonga yechivanhu pose-pose.

“Tiri kushanda nemakanzuru kuti vasunge vanhu vose vanotengesa mishonga pose-pose, kusanganisira varapi vasina kunyoresa zviri pamutemo nekuti vari kuisa upenyu hwevanhu parumananzombe,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey