Natasha haasati awana rubatsiro

13 Dec, 2014 - 13:12 0 Views
Natasha haasati awana rubatsiro

Kwayedza

kumiraDaphne Machiri
AMAI vemwana wemakore mapfumbamwe wemuHarare, uyo ane dambudziko rekuzvimba muviri, vanoti vamomoterwa nezvikwereti zvekurapisa mwana wavo zvisinei kuti havazi kuona shanduko pahurwere hwake.

Mai Linda Tayo vanoti vasvika pakupererwa nehurwere hwaNatasha.

“Vabereki vangu ndivo vanotombondibatsira mukurapisa mwana iniwo ndichitsvagiridza nekukwereta. Mwana akange aserera asi atanga kuzvimba zvinova zvava kundinetsa.

“Handichaziva kuti kuchiri kuomarara kweitsvo sezvaitaurwa nemachiremba here kana kuti chava chivanhu,” vakadaro.

Natasha, uyo aimbenge akazvimba zvakanyanya mazuva adarika, perezeka muviri wake zvikuru uye ambuya vake, Kumbirai Tayo (72), vanoti hururwere hwemuzukuru wavo huri kuvashamisa.

“Mwana uyu akange awonda zvekusara ganda rake rabatana nebonzo, dumbu rabatana nemusana. Upenyu hwake ndehwemuchipatara, anorwadziwa uye anga asisataure zvekare anongochema nemarwadzo. Kutaura kwake anenge achingobata dumbu rake iro rinomurwadza zvakanyanya,” vakadaro Mbuya Tayo.

“Iye zvino tave kukwanisa kumubata muviri wake, kumusimudza nekumumutsa husiku akarara kuti asazoite maronda. Anogara asina simba, hembe chaidzo hadzichakwane kubva paakabuda muchipatara mwedzi uno.

“Rimwe zuva amai vake vakatombotiza naye kudzoka kumba apihwa mubhedha nekuda kwekuti hapana mari. Kurapwa kwake kwese kwaari kuitwa zvikwereti zvega-zvega. Amai vacho vanomboenda kumaporofita asi hapana chiri kubuda. Mari iri kungoenda, tave kushaya kuti todii nehurwere hwemuzukuru, tapererwa,” vakadaro Mbuya Tayo.

Sekuru vaNatasha, Lapten Tayo (78), vanoti:

“Dai baba vemwana uyu vachimbobatsirawo. Handivaone kana mari yavakabvisa yepfuma hapana.  Tinongonzwa kuti variko asi hapana kana musi mumwe chete wavakambouya kuti vaone mwana wavo. Ini ndakura, handishande nemudzimai wangu. vakadaro Sekuru Tayo.

“Kuchipatara kune chikwereti chinosvika $1 000 zvekuti tave kutotya kuti adzokere ikoko zvakare.”

Kune vanokwanisa kubatsira vanochaya nhare panhamba dzinoti 0775 408 429 votaura naMai Tayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>