Uncategorized

nayo tsvina yemunhu kun’anga

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
nayo tsvina yemunhu kun’anga

Kwayedza

Kingstone Mapupu —-
KAMWANA kasikana keimwe mhuri yemubhuku raMungake, kwaMambo Mashayamombe, kuMhondoro kanonzi kakafa kasina kurwara mushure mekunge kaitira tsvina mutsime iyo yakazotorwa ndokunoshinhirirwa kun’anga.

Izvi zvakaitika pamusha paVaGideon Judas Mubaiwa apo Symro Mataranyika (9) — uyo aiita Grade 3 — anonzi akaitira tsvina mutsime raambuya vake, Mai Epifania Mubaiwa (51), avo vari kunzi vakazoitora ndokuenda nayo kun’anga.

Zvisinei, ambuya vemwana uyu avo vari kupomerwa kumushereketera vari kurambisisa nyaya iyi.

Vanotaura vanoti mwana uyu akaitira tsvina mutsime iri zviri zvemisikanzwa yehwana hudiki.

Mai Epifania Mubaiwa vanonzi mushure mekuona tsvina mutsime — uye vasingazive kuti yainge yaitirwa nekamwana aka – vakazoitora ndokuenda nayo kune imwe n’anga inonzi Sekuru Samorah Mapondo (100) yekuBeatrice.

N’anga iyi chizvarwa chekuMozambique.

Kun’anga uku, tsvina yemwana uyu inonzi yakanoshinhirirwa nechinangwa chekuda kupfidzisa nyakuiitira mutsime.

Zvisinei, Mai Epifania Mubaiwa vari kuramba nyaya yekuti vakanoshinhirira tsvina iyi kun’anga, asi vachiti vakangoimwaya mhiripiri, dota nehundi bedzi.

Nekune rimwewo divi, mubatsiri wen’anga Sekuru Mapondo ari kutsinhira nyaya yekuti mukadzi uyu akaenda kun’anga aine tsvina iyo yakazoshinhirirwa.

Nyaya yekuti mwana uyu akashinhirirwa tsvina yake kun’anga inonzi yakazobuda pachena apo akafuma achifa zuva rechimangwana racho — asina kana kumborwara.

Mumwe wemhuri iyi akataurwa naye panharembozha neKwayedza — VaNathan Mubaiwa (40) — vanoti tsvina yemuzukuru wavo yakaendwa nayo kun’anga izvo zvakakonzera rufu rwake.

“Mutsime rinoshandiswa pamusha pedu makawanikwa muine tsvina yemunhu nyoro ndokutadza kuziva kuti yaiva yaiswa nani. Amainini vangu mukadzi wababamudiki — avo vari pachipari chevakadzi — vakazotora tsvina iyi vatanga nekuimwaya mhiripiri, dota nehundi apo vakazoenda nayo kun’anga uko yakanogadzirwa, mwana achibva afuma achifa,” vanodaro.

Vanoti vemhuri yavo vakazoziva kuti tsvina yemwana yaiva yaendwa nayo kun’anga apo zvakaburitswa nemumwe anoshanda negodobori iri.

“Ini ndazvinzwa, pandakaenda kuna makumbi wen’anga iyi, Benjamin White (52), akabvuma kuti amainini vedu vakaenda kun’anga iyi pakati pehusiku vaine tsvina yemunhu ikanogadzirwa vachiperekedzwa nemumwewo mukadzi. Ndakaenda kun’anga Mapondo ikabvumawo ichiti iyo yaisaziva kuti mwana aiva aita izvi. Uyu (mushakabvu) muzukuru mwana wasisi vangu,” vanodaro.

Mwana uyu anonzi akangotanga kurwadziwa nemudumbu ndokurutsa ropa achibva aendeswa kukiriniki yeWatyoka uko akasvika achifa.

Mbuya vemwana wekufa, Mai Epifania Mubaiwa vanoti: “Tsvina yakaitirwa mutsime tikatadza kuziva kuti ndiyani, tikabvunza vana vose vakaramba, ini ndikazotora tsvina iyi ndikaiisa mhiripiri nedota nehundi senzira yekuvavhundutsira. Izvo zvekuti ndakaenda kun’anga, handikuzive ini kwaMapondo kwacho kana pamba pake. Pakanga pave kuwanda mashoko pano saka ndakazoisa tsvina iyi mhiripiri, vavengi vangu vakawanda pano.”

Vanoti ndivo vakachengeta mushakabvu uyu kubvira ari mudiki.

“Baba vemwana uyu handivazive, ndaivaitira maricho kusvikira vakura. Ndozosvika pakumuuraya chokwadi?” vanodaro.

Amai vemwana akashaika uyu, Rosemary Mubaiwa (38), vanotsinhira kuti Symro akaitira tsvina mutsime, iyo yakazomwaiwa mhiripiri, dota nehundi.

“Zvekuti amai vangu — ambuya vemwana uyu — vakazoenda kun’anga ini handizvizive. Mwana uyu akarutsa nyon’o akanofira kukiriniki,” anodaro.

Mhuri iyi inopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu.

VaWhite, avo vanoshanda naSekuru Mapondo, uye vari muzukuru wen’anga iyi, vanotsinhira kuti Mai Epifania Mubaiwa vakaenda kun’anga iyi husiku uko tsvina yemwana uyu yakanogadzirwa nemishonga.

“Amai ava vakaenda kun’anga uku pakati pehusiku vaine tsvina ikanomwaiwa mishonga. Sekuru Samora Mapondo semunhu wandinoshanda naye, vakazonditaurira makuseni ezuva raitevera kuti ambuya ava vaiva vauya husiku vakavabatsira nekushinhirira tsvina yemunhu. Mwana uyu anonzi akabva azofa zuva remangwana acho,” vanodaro VaWhite.

Vanoenderera mberi: “Samora akazondiudza zvakare kuti pakashaika mwana uyu, ambuya ava vakadzokera zvakare kun’anga iyi kunotaura kuti vaiva vakuvadza muzukuru wavo vasingazive. Zvinonzi vakazowirirana kuti pakanga pasisina chekuita nekuti mwana akanga afa kare. Vanhu ava vave kuramba nekuti pave nekufa kwemunhu.”

Sekuru Mapondo vanotiwo Mai Epifania Mubaiwa vakaenda kumba kwavo vachida mushonga wekurapa mwana asi ndokuramba nyaya yekuti vakashinhirira tsvina yemunhu.

“Pano pakauya mukadzi aitengesa matomatisi achibva anditi aida mushonga wekurapa mwana airwara ndokubva ndamupa. Ndakazonzwawo kuti mwana uyu afa asi zvekuti ndakagadzira tsvina yake ini handina. Chiiko chanetsa pamwana uyu? Ini ndakarapa kare, kubva kuKilimani kuMozambique vanhu vachipona,” inodaro n’anga iyi.

Payakabvunzwa neKwayedza kuti yaipa mudzimai uyu mushonga wekurapa chirwere chipi, n’anga iyi yakatadza kupindura zvose nekuti sei mubatsiri wayo ari kusimba nerekuti vakashinhirira tsvina yemwana uyu.

Mai Tambudzayi Skina (50) vanova mumwe wemadzimai aVaGideon Mubaiwa vanotsinhirawo kufa kwemwana uyu zvisina tsarukano.

“Ichokwadi, tine muzukuru wedu akafa asina kurwara asi ndewekwaamaiguru mudzimai wemurume wedu. Ndivo vane muzukuru iyeye, kune tsime rakawanikwa riine tsvina iyo inonzi yakaitirwa nemuchakabvu imomo.

“Asi zvekuti yakazoendwa nayo kun’anga ini handizvizive, kunyangwe zvazvo iri nyaya iri kungotaurwa. Kunyangwe baba (murume wavo) nyaya iyi vanoiziva. Asi, mwana akafa zvinotirwadza,” vanodaro.

Mai Barbra Muringai (49), vanova mumwe wevaramu waVaGideon Mubaiwa vanotiwo vakazosvika mwana uyu atofa.

“Inyaya yatinongonzwawo kuti tsvina yemwana yakaendeswa kun’anga zvikazokonzera kuti mwana uyu afe asina kurwara,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>