Ndakabatwa nekunze kwemawoko: Moyes

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

DAVID Moyes anoti haana kubatwa zvakanaka panguva yaakarairidza Manchester United, apo ave kutanga basa rake idzva kuSunderland.

Chizvarwa chekuScotland ichi chakadzingwa basa asati amboshanda gore rimwe zvaro mushure mekunge atsiva Sir Alex Furguson kuOld Trafford, izvo zvakazoona United ichipedza mwaka wa2013-14 yakagara pechisere palog.

Akazoenda kuReal Sociedad yekuSpain uko akatatarika zvikuru asi akaona United ichishandukawo zvishoma apo yange yave kurairidzwa naLouis van Gaal, yakakwanisa kupedza iri pechina nechishanu mumwaka miviri, muDutch uyu asati atsiviwa naJose Mourinho.

Moyes anoti ndiye aikodzera kuramba ari pachigaro chinopisa ichi zvichitevera kubva kwakaita Ferguson. Akarairidza Everton iyo yaakasimudza kubva pasi kusvika yave kurwira kupinda mumitambo yeEurope.

“Hapasi pose paunopihwa basa rekurairidza zvikwata zvinoti Real Madrid, Barcelona neManchester United pasina zvinenge zvaonekwa pauri,” akadaro.

“Ndinogara ndichizvitaura kuti handina kubatwa zvakanaka ikoko. Kana wasaina kondirakiti yemakore matanhatu wongogara kwemwedzi 10 chete, ndinoona sekudaro, ndinoziva handina kubatwa zvakanaka.

“Handina hangu kuhwina mitambo yakawanda asi unofanirwa kuona kuti paive nezvakange zvichiitika kumashure. Uye ndinoona sekunge kubva pandakabva zvimwe zvacho zvakabva zvinokwanisa kutsigira zvandiri kureva.

“Panguva yangu ndiri kuManchester United chandakakwanisa kuona kuti zvakamira sei kana uri kumusoro uko. Ndinoziva kuti ndiko kwandinofanirwa kushandira uye ndiko kwangu chaiko,” akadaro.

Kushanda kwaakaita hakusi kumutadzisa kuzotenga vamwe vatambi veUnited vanoti Marouane Fellaini uyo waakamborairidza kuEverton naAdnan Januzaj.

Sunderland haisati yawedzera vamwe vatambi muchikwata chayo zvichitevera kutatarika kwayakaita mwaka wadarika izvo zvakaona ichipona nepaburi retsono kuburitswa muPremier League.

Parizvino ine vatambi vashoma sezvo vamwe vakabva uye vamwe vakakuvara apa pasara masvondo maviri kuti mwaka mutsva uchitanga. — Sky Sports News

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>