Uncategorized

‘Ndakadyiswa tsvina yemunhu nen’anga’

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Ndakadyiswa tsvina yemunhu nen’anga’

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUKADZI wekuNorton anoti akadyiswa tsvina yake nen’anga achinzi iyi inzira yekumurapa dambudziko rake rekutevera kasingapere kwemakore matanhatu.

Mukadzi uyu — watichangodura bedzi saJennet (32) sezvo achikumbirisa kuti Kwayedza isamuburitse nezita rake rizere achiti zvinozomutadzisa kugara akasununguka munharaunda yake — anoti akadyiswa tsvina yake achinzi ndizvo zvaizopedza dambudziko rake.

Anoti ave nemakore matanhatu achingotevera zvisina magumo, izvo zvasvika pakumushaisa rufaro mumba nemurume wake.

Jennet anoti kusvika pari zvino ashandisa mari yakawanda zvikuru achitenga zvekuzvishambidza zvakaita semasanitary pads nekuda kwedambudziko rake.

Nekuda kupedza izvi, Jennet anoti akasvika pakutsvaga rubatsiro kun’anga nekumaporofita asi hapana shanduko.

“Ndapererwa, makore matanhatu ndichifamba kun’anga nekumaporofita ndichitsvaga kubatsirwa asi hapana chiri kubuda. Ndanwiswa mishonga yakawandisa, kumwe kwacho ndikanzi ndidye tsvina yangu chaiyo neimwe n’anga zvichinzi ndiko kuti dambudziko rangu ripere.

“Nekutsvaga kuti ndipore, ndakaidya asi zvose izvi hazvina kushanda,” anodaro.

Anoti dambudziko rake rasvika pakuda kumuparadzira imba yake sezvo zviri kuitika paari zvichimutadzisa kusasana nemurume wake.

“Mumba mave kusvika pakusamira zvakanaka, nekuda kwekusakwanisa kufadza murume wangu.”

Nekuda kuti dambudziko rake rimuperere, Jennet anoti ndizvo zvakamusvitsa pakubvuma kunzi nen’anga aite tsvina yake, pashure oidya.

Pari zvino Jennet ari kutsvaga rubatsiro kuimwe chechi iri muHarare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>