Uncategorized

Ndakakinditswa nevaroyi: N’anga

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Ndakakinditswa nevaroyi: N’anga Sekuru Booster akatakura nyoka

Kwayedza

Kingstone Mapupu
N’ANGA inozivikanwa nezita rekuti Sekuru Booster inoti yakapotsa yafa apo yakatungwa nenyanga yemuroyi pachipfuva ndokusara yorutsa ropa uye ndokuzorumwa nenyoka munyaya yasiya murume uyu asisina kana neremuromo.

Pamusoro paizvozvo, n’anga iyi inoti yakarumwa nemupurwa wayainge yatora muhozi yeimwe mhuri, minwe ikapotsa yadambuka.

VaEdward Moyo (45) vanobva kwaMambo Samambwa, kuEsidakeni, kuZhombe – uye vachizivikanwa saSekuru Booster – vanoti vakapona neburi retsono apo vakarwiswa nezvinhu zvevaroyi.

Svondo rapera Kwayedza yakaronda n’anga iyi ikawanikwa ichishandira kumindamirefu yekuTsunga Village 1, kwaMambo Nyandoro, kwaChihota.

Clr Mujeyi

“Basa redu iri rine makuva. Unogona kutungwa nenyanga dzatinobvisa idzi kana kurohwa nezvidhoma nekurwiswa naivo varoyi vacho mbune ukaremadzwa kana kutofa.

“Ndakarumwa nenyoka pagumbo ikatoita zvekudzurwa nevamwe vanhu vandaiva navo kuti indiregere. Svondo rakapera paseri ndakatungwa nenyanga ndikatomborega basa ndichimbozorora ndichidya mishonga kuti nyama dzangu dzidzokere panzvimbo.

“Mwedzi yakapera paseri ndakarwiswa nevaroyi husiku apo ndaipotserwa moto uchibva mudenga ivo vanhu vacho vachibuda moto mukanwa. Varoyi ivava vakatoita dare pamba pandaiva ndashevedzwa apo pane mwana airwara,” inodaro n’anga iyi.

Inotizve minwe yayo yeruwoko rwekurudyi haichafamba ropa zvakanaka nekuda kwekurumwa uko yakaitwa nemupurwa.

Sekuru Booster vanoti vakaiswa hunye pavakarumwa nemupurwa uyu vakazonorapwa neimwe n’anga yekuMozambique.

“Mupurwa uyu ndakauuraya tikazoupisa, hutsi hwacho hukaenda kumeso kweimwe chembere ikapotsa yapofomara.”

Sekuru Booster

Vanoti nyaya yekutungwa kwavo nenyanga yakaitikira kuShangwa Village 2, kwaChihota, apo vaishandira imwe mhuri inopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu ine pamusha paigara pachifa vanhu.

“Nyanga yaipedza vanhu ava yaiva pachoto pavanobikira mazuva ose. Ndakasvikapo pavigwa mutumbi wemwana wepo nezuro wacho uye ndichingopinda mumba umu, chitofu ichi chakadhirika choga. Nyanga yakabva yatubuka kubva pasi ndokundirova pachipfuva ndichibva ndangofenda.

“Vakaona izvi zvichiitika vanoti ini handaiziva zvandaiita kwemaawa maviri, vamwe vanhu vakatondichema vofunga kuti ndafa,” vanodaro Sekuru Booster.

Pakabuda nyanga iyi, vanoti mumba umu makasara muine garingiro kana kuti bako rakangoita rekudhirika iro ravakazofushira mushure memazuva imba iyi yambomira kushandiswa.

“Pandakatungwa nenyanga iyi ndakarutsa ropa rakawanda. Nyanga iyi ndakazoibatira kune imwe imba pamusha iwoyu ndokuipisa.”

N’anga iyi inoti yasvitsa mwedzi miviri yarumwa nenyoka iyo pamumwe musha apo yaishandira mhuri yepo.

Vanoti nyoka iyi yaishandiswa sedivisi rekuita mari, kurima nemabhizimisi.

Ronda rinonzi rakarumwa n’anga iyi nenyoka rave kusvava.

“Ndinoshanda nemudzimai wangu, Marjory Tizvigoni (37) uyo anoziva mishonga nemhiko dzangu,” vanodaro.

Kanzura weWard 17 kuBeatrice, VaChristopher Jiri (50), vanoti n’anga iyi iri kushandira vanhu pasina zvekumanikidzwa.

“Chatisingade kutsikisa mutanda, vanoda zvavo ngavabatsirwe,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>