Uncategorized

Ndakakunokora tsoka – N’anga

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Ndakakunokora tsoka – N’anga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNE imwe yenyaya dzekurwisa nekutyisidzira vatori venhau, mutori wenhau weKwayedza, Muchaneta Chimuka, asangana netsekwende zvichitevera kuvhundutsirwa kwaari kuitwa ari pabasa rake natsikamutanda ari kuzviti Booster uyo anoti akamunokora tsoka.

Kune vanhu vanonzi vanoshereketa, avo vanonzi vanonokora tsoka dzevavanenge vachida kukuvadza, voshandisa ivhu racho nemishonga yakaipa.

Booster ari kupomerwa mhosva yekukonzeresa rufu rwemumwe mudzimai aigara kwaSabhuku Goto, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, mushure mekunge amunwisa muti unofungirwa kuti muteyo.

Mushure mekunge Kwayedza yaenda kudunhu iri ichinoita nyaya iyi, Booster aingofona pamwe nekutumira mameseji panhare yemunyori uno senzira yekumutyisidzira.

Tsikamutanda uyu ari kupomera zvakare Chimuka kuti akaba mari nezvinhu zvake “zvebasa” apo akaenda kwaMurehwa kunoita nyaya iyi.

Mamwe emashoko akatumirwa Chimuka nenhamba dzenhare dzinoti +263 7777 176 698 anoti, “Ndikudawo mari yawakaba 3400 mumatare angu nebag rehembe dzawakatakura nhc ndisati ndatora matanho ndinonzi Bere or Booster”.

Booster akatumirazve mashoko kuna Chimuka anoti: “Kana mushonga wekugadzira munhu akatsika mumatare angu ndinouziva zvisingaite nekuti tsoka ndanadzo nw ngatiraramei tione.”

Munyori mukuru wesangano rinomirira vatori venhau, reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ), VaFoster Dongozi, vanoshora nyaya dzekushungurudzwa kwevatori venhau panguva iyo vanenge vari pabasa ravo.

“Nyaya dzekurohwa, kutukwa kana kutyisidzirwa kwevatori venhau munyika muno dzakakurisisa nekudaro vanoda chengetedzo yakasimba pamwe nekuti pave nematanho anotorwa akakura kuvapari vemhosva. Tinokurudzira vatori venhau kuti vamhan’are nyaya dzerudzi urwu kumapurisa nekukasika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey