Ndakange ndisisadiwe kuVicarage: Jokanovic

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

AIMBOVE murairidzi weWatford, Slavisa Jokanovic, anoti akabva kuVicarage Road nekuti anofunga kuti akange ave kusadiwa kuchikwata ichi.

Jokanovic — uyo akabva kugadzwa kuve murairidzi mutsva weMaccabi Tel Aviv yekuIsrael iyo yakahwina mikombe mitatu mwaka wadarika — akatungamira Watford kupinda muPremier League mwaka unotovera zvichitevera kupedza kwakaita chikwata ichi chiri pechipiri mumitambo yeRisky Bet Championship apo chaitevera Bournemouth.

Asi akatadza kuwirirana chibvumirano chitsva nemuridzi wechikwata ichi, Gino Pozzo, ndokubva atsiviwa naQuique Sanchez Flores apo Watford yave kurwira kutambira muEPL mushure mekunge yabuda makore masere adarika.

Achitaura neThe Sun, Jokanovic akati, “Ndakaona kuti akange asingade kundiwedzera kondirakiti yangu. Chinhu chandida chaizvo kuramba ndiri kuWatford zvichitevera kupinda kwatakaita muEPL. Ndozvandaida chaizvo. “Chakatozoitika pamberi pacho, ndakaona kuti vakange vasina hurongwa hwekuwedzera kondirakiti yangu. Vakambotaura pekutanga asi havana kuzotevera zvakare kuzonzwa kuti tofamba nenzira ipi, izvo zvinotarisirwa kuitwa pose pamunenge muchikurukurirana. Ndanzwa nekumirira, ndakaona zvakakosha kuti nditsvage zvimwe zvekuita.”

Pane mashoko akambobuda ekuti chikwata ichi chaida kupa Jokanovic mari inosvika 1 miriyoni paunzi pagore – iye achinzi aida kondirakiti yemakore matatu achibhadharwa 2,5 miriyoni paunzi pagore, mashoko ayo Jokanovic aanoti ndeenhema.

“Handina kumbobvira ndati ndinoda mari yakawanda kudaro ini. Ndakangoti tose tinofanirwa kusimudzirana zvichitevera kubudirira kwakaita chikwata chedu nekupinda kwachakaita muPremier League.

“Ndakaona kunge ndiri kupihwa mari shoma-shoma kudarika yevamwe varairidzi vemuPremier League,” akadaro. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>