Ndakatadza kutyaira ndakadhakwa: Adesanya

16 Oct, 2023 - 11:10 0 Views
Ndakatadza kutyaira ndakadhakwa: Adesanya Israel Adesanya

Kwayedza

AIMBOVE shasha yeUFC middleweight, Israel Adesanya, akabvuma mhosva yaari kupomerwa yekutyaira akadhakwa kumusha kwake kuNew Zealand.

“Ndinoda kukumbira ruregerero kunharaunda, mhuri yangu uye chikwata changu nezvandakaita kutyaira motokari ndambonwa doro ndichibva kunodya kwemanheru,” anodaro Adesanya muchinyorwa chakatumirwa kuESPN.

‘’Handina kufara nezvandakaita kutyaira ndanwa nekuti ndakakanganisa. Ndinoziva kuti vanhu vanganditevera uye ndinoda kuti vazive handifungi kuti hunhu uhwu hunogamuchirika.’’

Chiitiko ichi chakaitika nemusi wa19 Nyamavhuvhu, apo Adesanya akamiswa ndokuonekwa aine doro rakawanda mumuviri raisvika 87 milligrams yedoro pa100 milliliters yeropa mumuviri wake.

Pamutemo wemuNew Zealand, doro rinotenderwa zviri pamutemo mumuviri rinosvika 50 milligrams.

Adesanya aidzoka kubva kunodya neshamwari dzake paakasangana neRandom Breath Testing Unit kuAuckland, chikwata chake chakaudza ESPN.

Murwi weMMA uyu achadzoka mudare musi wa10 Ndira kuzopihwa mutongo.

Anogona kubhadhariswa faindi yeUS$2 680 kana kugara mwedzi mitatu mujeri, sekutaura kweESPN. — SportsMail MMA

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>