‘Ndine husahwira nenyuchi’

25 Jul, 2023 - 15:07 0 Views
‘Ndine husahwira nenyuchi’ VaEmmanuel Zemura (kurudyi) vachiratidza mutengi mukoko wenyuchi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURIMI wekumaruwa ekuDema, kwaSeke, ari kuvandudza mabasa ake nekuchengeta nyuchi uye kugadzira mikoko achitengesa.

VaEmmanuel Zemura (48) vanoti vakatanga basa iri makore mashanu akadarika mushure mekuita zvidzidzo zvekupfuya nyuchi kubazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks).

“Vamwe vanotya nyuchi asi ini ndinodzitora semasahwira angu. Mushure mekupedza zvidzidzo zvekupfuya nyuchi, ndakadzidzawo kugadzira mikoko iyo ndinotengesa kuvarimi vekumaruwa kuno kwaSeke nemumapurazi ekuGoromonzi. Pamusoro pezvo, ndine yangu mikoko gumi yandinochengeta nyuchi, ndichikohwa huchi katatu pagore,” vanodaro VaZemura.

Murume uyu anoti anogadzira mikoko yenyuchi nenzira dzine hunyanzvi achishandisa mapuranga.

“Mikoko yangu ndinomora katatu pagore uye panguva imwe chete ndichiwana huchi hunozara marita 20 kubva pamukoko, kureva kuti pamikoko yangu gumi pandinomora pose ndinowana marita 200,” vanodaro VaZemura.

Huchi hwavo vanoti vanohutengesera munharaunda yekwaSeke nekune nzvimbo dzinosanganisira Marondera neChitungwiza.

“Huchi hwangu hunotengwa, dzimwe nguva kamwe chete nevezvitoro kana vanhu vakazvimirira nekudaro handina dambudziko rekuwana makasitoma,” vanodaro.

VaZemura vanotengesawo nyuchi kune vanodzida dziri mumikoko yadzo pasina dambudziko.

“Ndine imwe nzira yandinoita yekutengesa mikoko ine nyuchi kare zvekuti varimi kungosvikoturika mikoko yavo pane kuzomirira kuti nyuchi dzizopinda.”

VaZemura vanoti vari kudzidzisawo vechidiki kugadzira mikoko nekupfuya nyuchi kuitira kuti vawane mabhindauko ekuita.

Izvi, vanodaro VaZemura, zviri kubatsira vechidiki kuti vasapedzisire vave kutora zvinodhaka nekuda kwekushaya zvinovavaraidza uye nekuvapa pundutso muupenyu hwavo.

“Ndiri kudzidzisawo vechidiki kuitira kuti vazviwanire mari vosimudzira mararamiro avo. Chinangwa ndechekuvabvisa munyaya dzekutora zvinodhaka vochizviwanira zvekuita,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>