Uncategorized

‘Ndine mimba yemupurwa’

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
‘Ndine mimba yemupurwa’

Kwayedza

‘Unondiita mukadzi’

 ‘Ndewa shefu vangu’

MUKADZI wechidiki wekwaChihota, mudunhu reMashonaland East, anoti atambudzwa nedumbu rinoita sekunge ane mimba izvo zvaanoti zvakabva pakuyamwiwa nekuitwa mukadzi nemupurwa uye ave kugara achingojuja zvinhu zvinenge mvura kusikarudzi yake.

Kushungurudzwa nemupurwa uku anoti kwakatanga apo aishanda murimwe bhawa asi chava kunyanya kumunetsa ndechokuti machiremba ari kuti haana pamuviri apo dumbu riri kungokura.

Anoti zvakare chimwe chinomushamisa ndechekuti zuva rairega muridzi webhawa iri kutora mari yaainge atengesa doro, remangwana racho aizoona mari iya yawanda zvakapetwa kaviri.

Anotizve anga ava nemwedzi inodarika miviri achishanda mubhawa riri paChiriseri, kwaChihota kwekare apo akazosiya basa anzwiswa nemupurwa.

Dambudziko rekuitwa mukadzi nekuyamwiwa nemupurwa anoti rakatanga mumwedzi waNyamavhuvhu kusvika kupera kwaGunyana.

Tatenda Gatsi (22), uyo anobva mumusha waMachingura, kwaMambo Mudzimurema, anoti akapinda basa rekutengesa mubhawa apo aida kutsvagawo mari yekuriritira mwana wake mumwe chete sezvo akashaikirwa nemurume gore rakapera.

“Zvakatanga apo ndaishaya zvekudya zvandainge ndasiya ndakwidibira ndichiti ndozodya pava paya. Murume wandaishandira ane chitoro nebhucha, uye vasikana taiva vatatu. Saka ndakazobvunza mumwe musikana akanditi naiyewo chikafu chake chaaisiya chaingotsakatika.

“Rimwe zuva ndakazoona zimupurwa hombe mumba mandairara richiuya kwandaiva. Rakaenda kuseri kwefiriji ndichibva ndarishaya zvachose, kana parakapinda handina kupaona.

Benadette Tarubona

Benadette Tarubona

“Ndapfiga gonhi musi uyu, ndichiti ndichirara, ndipo pandakazoona mupurwa uyu wadzoka ndakatosvinura ndichibva ndangoita madzikirira ndokukotsira kwechinguva chingaita maawa matatu. Pandakazomuka ndikaona ndakatota, muviri wangu wakarukutika uye mazamu angu achirwadza.

“Ndakanogeza ndikaona zviratidzo zvekuti ndaive ndaitwa mukadzi nemupurwa wandakaona uya,” anodaro.

Gatsi anoti izvi zvakazoramba zvichienderera mberi kakawanda, mupurwa uyu uchipinda mumba iye achitoona, ozongokotsira zvaasinganzwisise pava pashure ozoona kuti ashinhwa naye nechipuka ichi.

Pashure akazoona dumbu rokura semunhu ane mimba.

Kuburikidza nekukura kwedumbu rake, iro ratoita seremunhu ave pedyo kusununguka, Gatsi anoti haachagona kufamba.

Anoti akaenda kuchipatara akavhenekwa ndokuonekwa kuti haana pamuviri.

“Handichakwanisa kudya nekuda kwekuzvimba kwedumbu rangu. Mudumbu mangu munorwadza zvikuru uye sikarudzi yangu yakanganisika. Kuita weti netsvina kunondirwadza asi kutevera ndinotevera zvakanaka,” anodaro Gatsi.

Anoti akambomera mazipundu muviri wose izvo zvakazongopera.

Gatsi anoti kusikarudzi yake kunobuda zvinhu zvichena nezvakasviba izvo zvinenge zvichinhuwa.

“Ndinogeza katatu kana kudarika pazuva ndichichinja zvipfeko nekuda kwezvinhu izvozvi. Handina murume wandinosangana naye kubva pakashaika murume wangu gore rakapera.”

Gatsi anoti panguva yaaishanda pabhawa iri, akataurira muridzi waro nezvenyaya yekuitwa mukadzi nepupurwa “asi akandipindura kuti hazvitaurwe nekuti zvinokonzera kuti uite munyama”.

Anoti aivhara bhawa iri kuma9 kana 10 husiku apo muridzi webhawa aizouya achitora mari yake inenge yatengeswa doro.

“Zuva rairegera murungu wangu kuzotora mari, ndairara nayo asi rechimangwana racho ndaiona mari iya yapetwa kaviri. Ngatitii, ndikatengesa doro re$30 kana $40 ndaizowana yava $60 kana $80 uye ndikatengesa re$100 ndaizoiwana yava $200.

“Kureva kuti yaiva mari yemushonga, asi ndaisaitora. Ndaingomupa yakadaro nekuti zvaindityisa, panyaya yemari iyi handina kumubvunza,” anodaro.

Gatsi, uyo anova nherera, anoti akazomiswa basa svondo rakapera nemuridzi webhawa achibva arivhara.

Muzvinabhizimisi aishandirwa naGatsi anonzi ane makore 23 okuberekwa.

Gatsi anoti akange avimbiswa kuti aizotambiriswa $130 pamwedzi asi haana chaakapihwa pamwedzi miviri nemazuva anoraudzira yaakashanda. Mari yake yaaifanirwa kupihwa i$280.

“Ari kuti haambofa akandipa mari yangu kunyangwe ndikaenda kupi. Izvozvi ndine dambudziko remabayo nekuzvimba kwedumbu saka ndaidawo kuti kana andipa mari yangu ndokwanisa kufamba ndichizvirapisa,” anodaro Gatsi.

Mukoma wake, Benadette Tarubona (33), anotsinhira dambudziko rakatarisana nemunin’ina wake achiti anoda kubatsirwa.

Zvakadaro, Sekuru Jonathan Shonhiwa vekuChiredzi vanoti Gatsi akashandiswa mubhizimisi rebhawa iri kuburikidza nekuromba.

“Mudzimai uyu anoda kubatsirwa nekukasika, kungava kumaporofita kana kun’anga dzinogona. Zvakarewo ngaapote achienda kuzvipatara nekumakiriniki,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey