Uncategorized

Ndini muponesi: MuSatanist

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Ndini muponesi: MuSatanist

Kwayedza

Daphne Machiri —
MURUME wechidiki wekuNyatsime, kuChitungwiza, anoti anobatwa kana kusvikirwa nemudzimu weSatanism uyo unopedza matambudziko muvanhu.

Muhurukuro neKwayedza — Innocent Kapirikwete Takawira (31), uyo anogara kuDungwiza Caldo Tompson Farm — anoti kunyangwe zvazvo veruzhinji vachiti Satanism inofambirana nemabasa akaipa, mudzimu uri paari uri kubatsira vane matambudziko akasiyana.

“Vanhu vanoti Satanism ndiSatani anoparadza nekuuraya, asi mudzimu uri pandiri uri kubatsira vanhu mumatambudziko akasiyana pamwe nekupedza zvirwere zvinovanetsa,” anodaro Takawira.

Anoti akatanga achiita zvekurota apo ainzwa mazwi munzeve dzake achimuudza nekumudzidzisa zveSatanism.

“Kurota kwandaiita vanhu vanoti ndinopenga asi kwete. Ndakambozama kuenda kumachechi asi nekuda kwemudzimu wangu, zvakaramba. Izvi zvinhu zvinobvira kudzinza rangu reku- Malawi.

“Pakutanga ndairota ndiri kumakuva ndichizoona fodya yembanje yandakapiwa ndiri kuhope. Ndakamuka mangwanani ndikatora fodya iya ndikaiputa ndakabatwa nemweya ndokubva ndaenda kumakuva ayo andakarotswa. Ikoko ndakanoona chaizvo zvandainge ndarota,” anodaro Takawira.

Anoenderera mberi achiti: “Ndakarota ndichinzi ndiri muSatanist, ndine mudzimu weSatanism. Ndinomborota ndiri kudenga, ndozoenda kunyanza uko kwandakaona munhu akafanana neni achinditi ndine mudzimu waSatani, ndinofanirwa kutevedza zvandinoudzwa. Dzimwe nguva ndinorota ndiri mumugwagwa ndichifamba munenge makazara ropa rinenge richiyerera.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey