Uncategorized

‘Ndini ndakatumira gudo’

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
‘Ndini ndakatumira gudo’ Madzimai Esnathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKADZI wemuHarare anoti ndiye akatumira horomba yegudo iyo yakakonzeresa tsaona yemumugwagwa mazuva mashoma adarika apo pakafa munhu mumwechete, vamwe ndokukuvara.

Mudzimai uyu ari kubheja achiti achasvitsana kure nemuporofita waanoti akamutsotsa mari yake achimunyepera kuti aimubatsira mumatambudziko ake uyu.

“Rwendo rwuno ndinopedzerana naye muporofita uyu, tinosvitsana kumapena kana akasandidzosera mari yangu yaakanditsotsa — US$4 000. Ndini ndakamutumira gudo rakaitisa tsaona,” anodaro mudzimai anongoda kuzivikanwa saMadzimai Esnathi.

Muporofita weJohane Masowe weChishanu wekuChitungwiza — Madzibaba Elias Gomwe (41) — anoti akangoerekana oona gudo rava kumubvutira chimudhiraivho apo aityaira mota yake achibva kwaGandanzara, kwaRusape uko ainge anoshandira imwe mhuri.

Nyaya yetsaona iyi yakazobuda muKwayedza svondo rapera pashure apo Madzibaba Elias airondedzera mashura akaitika kwaari aya — gudo parakabvuta chimudhiraivho, motokari ichibva yabuda mumugwagwa, ndokupidiguka kaviri pakafa munhu mumwechete.

Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi munhau, mudzimai anogara kuEpworth uyu anoti anonamata naMadzibaba Elias, anobuda pachena kuti ndiye ane horomba yegudo yakakonzeresa nyakanyaka mumugwagwa iyi.Madzimai Esnathi ari kuti Madzibaba Elias akamudya mari yake inosvika US$4 000 iyo akamubhadhara achiti airapa mwana wake uyo akazofa uye zvakare akaparadza imba yake mushure mekunge amupfimba izvo zvakazozivikanwa nemurume wake.

Zvisinei, Madzibaba Elias anoramba zvose zviri kutaurwa naMadzimai Esnathi.

Madzibaba Elias anoti ane fungidziro huru yekuti vamwe vemumhuri yavakange vanoshandira kwaRusape ndivo vakakonzeresa tsaona iyi sezvo vakamubhejera kuti havaizosvika kuHarare mushure mekunge iye nevamwe vake vauraya nyoka yerudzi rwendara ikoko.

Asi Madzimai Esnathi anobuda pachena kuKwayedza svondo rino achiti ndiye nyakutumira gudo kumuporofita uyu mushure mekudyirwa US$4 000 yake apo anoti aienda kwaari nemwana wake uyo airwara nemwoyo.

“Ngaarege kumbofunga zvimwe, ndini ndakatumira gudo kwaari. Mwana wangu akarwara ndokuenda kusowe rake riri pedyo nekumba kwake apo akanditi ndisaendese mwana kuchipatara chekuItaly uko ndainge ndanzi ndimuendese.

“Akatanga kumushandira apo ndaitenga zvinhu zvaisanganisira mazai, mandimu (lemon), huchi nezvimwe zvakawanda ndichipa muporofita uyu. Mari yandakamupa yakasvika US$4 000.

“Dzimwe nguva ndaimutengera peturu yemotokari yake achiti pane mhiko dzaainotsvaga kuninga nekumvura, mwana wangu akazosvika pakufa,” anodaro Madzimai Esnathi.

Anoti akasvika pakutengesa mombe dzavo kuChivhu kuti vakwanise kubhadhara mari yakawanda iyo yaidiwa nemuporofita uyu.

“Mwana wangu afa, ndakaenda kuna madzibaba uyu ndichida kuti andidzosere mari yangu, iye akanditi aitoda imwe pamusoro nekuti anoti handina kupedza kumubhadhara kurapa kwaaiita mwana wangu.

“Akanditi kuchipatara kunyangwe munhu akafa, chikwereti chinoramba chichibhadharwa. Pamusoro pezvo, Madzibaba Elias aindinyenga, akaguma andiparadzira imba yangu nemurume wangu apo ndakabatirwa mashoko ake munhare yangu nemurume wangu,” Madzimai Esnathi anotsanangudza.

Mudzimai uyu anoti kuburikidza nekurwadziwa, akazoenda kune imwe n’anga inogara kuCranborne, muHarare, achitsvaga kubatsirwa.

“Ndakaenda kun’anga iyi mumwedzi waNyamavhuvhu apo mwana wangu akashaika munaChivabvu gore rino. Ndakanzi nen’anga iyi dzokera kumba uchaona zvichaitika nekufamba kwenguva.

“Madzibaba Elias akandirwadzisa, ndine ronda pamwoyo nekuda kwake, ndaibuda mari kusvikira mwana wangu azofa.”

Madzimai Esnathi anoti muporofita uyu aimuvhundutsira kuti kana akangoenda nemwana wake kuchipatara bedzi, aisadzoka ari mupenyu.

“Pakafa mwana wangu, ndakamuudza akanditi ndakadyiwa netsananguro. Zvino ndinoti kuna Madzibaba Elias ngaasataurira vanhu nhema, ngaabude pachena.

“Gudo iri rakabva kun’anga yandakatsvaga. Ndichapedzerana naye, zvakaitika kwaari zvetsaona zvishoma. Ngaadzose mari yangu yose yakakwana. Akasaita izvozvo ndinosvitsana naye kumapena, kumba kwake achatadza kukugara negudo iroro,” anodaro Madzimai Esnathi.

Ukuwo Madzibaba Elias achitaurwa naye panhare neKwayedza, anoti haana kumbobvira vashandira Madzimai Esnathi.

“Mudzimai uyu vose nemwana wake handivazive, nyaya dzaanotaura idzo ndedzemanyepo, kuda kundisvibisa.

Tsaona yangu yegudo zvakabva kuvanhu vandakabatsira kwaGandanzara uye handipfimbe madzimai evanhu sekutaura kwake.

“Ini ndine mudzimai wangu, ngaasandibvisa panaMwari. Munhu wandakarapa aiva neburi pamoyo murume nemumwe aiva akaiswa chubhu chete. Izvozvi handichanamatira kuChitungwiza sekutaura kwake, ndava kuMasvingo nekuGweru.

“Amai ivava mukavabvunza havandizive,” anodaro Madzibaba Elias.

N’anga inonzi yakabatsira mudzimai uyu kuburikidza nekutumira gudo rakazokonzeresa tsaona yaMadzibaba Elias payakabvunzwa neKwayedza nezvenyaya iyi, yakambotsenga-tsenga mukanwa ndokuzoti: “Ehe, makudo tinotumira kuvanhu kunobvunza zvingava zvikwereti kana kunoreva pfuma kana kutevera mukadzi wako kana murume anenge atorwa. Tinoshandira vanhu vakawanda, ivavo handichavaziva zvangu nekuti vezvikwereti vakawandisa avo vanouya kwandiri ndichivabatsira.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>