Uncategorized

Ndini ndinobika: Murume rovha

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Ndini ndinobika: Murume rovha

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achinzi anomushaisa rugare akashamisika nedanho iri sezvo achiti anoedza nepose paanokwanisa kufadza mudiwa wake nezvakaita sekufanobika zvekudya kana mukadzi uyu asipo.

Marvis Chasi akamhan’arira Dennis Kundodyiwa kuHarare Civil Court achiti anomutuka nezvinyadzi pamberi pevana.

“Murume wangu anondituka pamberi pevana vangu nemashoko anonyadzisa, anototi ndiri pfambi pamberi pavo.

“Vana vacho vave kutotya baba vavo, anogara achingovarova,” anodaro Chasi.

Anoenderera mberi achiti Kundodyiwa ane katsika kekutengesa midziyo yemumba nekuba mari yake.

“Anotengesa midziyo yemumba kana asisina mari.

“Dzimwe nguva anoba mari zvekuti ndakatombofunga kuzvisungirira nekuda kwekushungurudzwa,” anodaro.

Kundodyiwa anoti zvimwe zviri kutaurwa nemudzimai wake ndezvechokwadi asi zvimwe zvacho manyepo.

“Zvaari kutaura zvimwe zvacho ichokwadi sekumutuka ndakamutuka kare paine zvanga zvatoitikawo asi zvekuti ndinorova vana pese pese kunyepa nekuti ndinoranga vana sezvinongoitawo anababa vese,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti Chasi ndiye ari kumutuka zvisinei nekuti anoedza nepose paanogona kumufadza.

“Ndiye anondituka asi ini ndinoedza kumufadza nekuti anotodzoka ndakabika kana achibva kubasa,” anodaro.

Anoti midziyo yaari kutengesa ndeimwe yaakatenga yakawanda mazuva aaienda kubasa achiitira kana achinge azoomerwa neupenyu.

“Midziyo yaari kuti ndinotengesa ndakaitenga mazuva andaienda kubasa ndichiitira kuti basa parinopera ndinowana chekutengesa ndichiwana mari uye handingotengese ndega, ndinomuudza tobvumirana,” anodaro Kundodyiwa.

Mutongi Manasse Musiiwa                       akapa Chasi gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>