Uncategorized

NDINI UYO: AMANDA Ngoma

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views

Kwayedza

Ndine makore 21 okuberekwa uye mutupo wangu ndiMachuma. Ndine vanakomana vaviri, Roy naRayn. Ndinovenga vanhu vanoita sevanondifarira ivo vasingandide uye handina hukama nevanhu vanoda kutarisira vamwe pasi zvisinei kuti vanowana zviri nane muupenyu. Yambiro yangu kuvanhu vakadai ndeyekuti upenyu ivhiri hunotenderera, mangwana hunogona kufuma hwasanduka zvekuti unenge wava kupfugamira munhu wawaitarisira pasi.

Ndinofarira vanhu vanopupura kunaka kwezita raMwari kuburikidza nehupenyu hwavanotipa misi nenguva.
Pari zvino ndiri kushingaira kuwedzera dzidzo yangu kuti ndigone kuva neramangwana rakajeka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>