‘Ndinobikira nyoka yangu mukonde wesadza’

03 Nov, 2022 - 09:11 0 Views
‘Ndinobikira nyoka yangu mukonde wesadza’ Showman Tagarira

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kwaMungate kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava anoti ari kugara nenyoka yake yerudzi rwerovambira iyo yaanobikira mukonde wesadza nehupfu hwemugaiwa ichitodya nemuriwo wemashizha we”viscose”, pashure yozonwira nemahewu.

Sezvinonzi munzi, nyoka iyi akaitoitumidza zita rekuti Jestina, rinova zita rehanzvadzi yake mushakabvu uyo waanoti ndiye akakonzeresa rufu rwake.

Madzibaba Showman Tagarira (60), uyo anozviti muporofita wechechi yeJohane Masowe weChishanu yeNguwo Chena, anotiwo nyoka iyi inofarira kudya bota zvakanyanya.

Anoti nyoka iyi anoita yekuisira chikafu pa”pushing tray” yake apo inozodyira, ndiro dzainopakurirwa dzichizobviswa rechimangwana racho.

Sekutaura kwake, nyoka iyi yakabva pamushonga wedivisi wakazopanduka uyo vaakapihwa nen’anga yakazoshaika yemuDomboshava makare.

Madzibaba Showman Tagarira, uyo asina mwana uye aive akamboroora, asi akazotizwa nemudzimai, anoti akaenda kun’anga iyi achida mushonga wedivisi rekurima achibva anopihwa kabhodhoro kaiva nebvupa (bhonzo) mukati, iro akanzi anocherera mumunda make.

“Nenyaya dzekuda kurima, ndakaenda kune imwe n’anga yekuno kuDomboshava ndikanopihwa muti wedivisi wekurima ndikanzi mushonga uyu ndicherere mumunda apo ndinenge ndakatarisa kumadokero. Padarika makore 20 ndabva kun’anga iyi apo ndakapihwa divisi iri.

“Ndakamboita makore maviri ndichikohwa chaizvo sezvo ndairima chibage, nzungu, nyimo nezvimwe zvirimwa,” anodaro Madzibaba Showman.

Rovambira

Dunhu reDomboshava rinozivikanwa zvikuru nekurima, kunyanya zvirimwa zvemumabindu zvakaita semuriwo, madomasi, hanyanisi nezvimwe.

Mdzibaba Showman anoti mushonga uyu wakazopanduka kuita nyoka yerovambira iyo yava kugara mubako riri pazvitombo zviri pedyo nedzimba dzake.

Rovambira ndiyo mhando yenyoka yakarebesa pane dzine uturu muAfrica. Inonzizve ndiyo mhando yenyoka inomhanya kudarika dzose pasi rose.

Ndiyozve ine uturu husingararamise chayaruma, kana ari munhu ndokunge anonokerwa kubatsirwa.

“Mushonga uyu wakapanduka ndakatanga kuona nyoka iyi pachivanze ndokuedza kuirova asi ichinyangarika. Kumasowe, ndakanga ndagara ndichinzwa kuti ndine nyoka uyewo nezvidhoma.

“Zvino nyoka iyi yava kupota ichiuya ichirara neni sezvo iri yechikadzi uyewo ndinoibikira sadza nemuriwo weviscose nemumwe ndichiipa – ichinyatsodya. Inonyanya kuda poriji nemahewu uye ndikaibikira sadza ndinoriisa papushing tray apo inodyira,” anodaro.

Bako rinogara nyoka

Kutoisirwa chikafu patafura sezvinonzi munhu!

Anoti nyoka iyi haachawirirana nayo uye inouya panguva dzekudya mangwanani nemanheru apo anoinzwa ichishita iri pamusoro pemba.

“Dzimwe nguva ndinoita zvekuirota ichirara neni ndoguma ndava kuita maronda kusikarudzi zvisinei kuti handisati ndaenda kuchipatara. Ndaiva nemudzimai asi akatiza pamusha nekuda kwenyoka iyoyi.

“Ukuwo amai vangu vakashaika vakandisiirawo zvimwe zvinhu zvinosanganisira zvidhoma, nyanga, zvikwambo, zvizhwa, zvivanda nezvimwe zvandinoshandisa kuroya.”

Madzibaba Showman paanobvunzwa neKwayedza kuti pfungwa dzake dzakanyatsoti kwesere here, anopindura achiti, “Chaizvo, zvandiri kureva izvi ichokwadi.”

Anoti ane mushonga waanozvitemera nyora kumakumbo, oenda kumakuva kwaanonosangana nevamwe varoyi uko vanoungana vachidya nyama yevanhu.

“Tinoenda kumakuva husiku tichinosangana nevamwe vangu. Zvimwe zvose zvandinoshandisa mukuroya nenyoka zvinouraya vanhu. Kunyanya nyoka iyoyi, yapedza vanhu, vamwe vacho hama dzangu.

“Ndakauraya hanzvadzi yangu Jestina Tagarira uyo akangodonha aenda kunotsvaga huni, kune vamwe vakawanda. Kana munhu akafa, nyoka iyi inonwa ropa racho.”

Musha waMadzibaba Showman Tagarira – Mifananidzo naJoseph Manditsvara

Anoti mumwe mushonga waainawo ndewemubobobo unoita kuti asherekete nevakadzi mumusha mavo nenzvimbo dzakakomberedza asi ivo vasingazive.

“Ndinorara nemukadzi wandinoda panguva yandinofarira kubvira kuvanasikana, varoora nevamwe. Ini ndakaromba asi zvimwe ndakasiirwa naamai vangu avo vaishereketa, vane machira akatsakatikira mumusha medu,” anodaro.

“Handipenge ini, pfungwa dzangu dziri panzvimbo, ndine nyoka yangu yandakatora kun’anga sedivisi. Saka kurasika njere kungabvepi ipapa?”

Murume uyu anonzi ane zvinhu zvinotora chikafu muminda yevanhu nekumatura.

Madzibaba Showman anoti zvisinei nemishonga yose yaainayo iyi, iye murombo wekugumisira sezvo asina kana mubhedha wekurarira kana mombe, mbudzi nehuku chaidzo.

Anorara pasi senyoka.

“Ndinoda kubatsirwa kubvisa nyoka iyi. Pano vari kuuya n’anga nemaporofita asi vari kuzvitadza, vari kunyepa. Ndinoda chaivo vanogona kwete zvekunyeperwa,” anodaro.

“Ndakatora ndisingazive kuti zvinopanduka, ndinoda kubvisirwawo nyoka iyo yareba mamita 4, ine hasha saka ndava kutya kuti ichagumisira yaruma ini muridzi wayo,” anodaro.

Anoyambira vanoda kuzovabatsira kuti vanofanirwa kuve vanhu vakasimba kwete zvekufungidzira.

“Handinyare kutaura kuti ndiri muroyi, ndinoda kubatsirwa ndigarewo zvakanaka nevamwe.”

Mukoma wake, VaStanley Tagarira (65), avo vasina kumbobvira vakaroora uye vasinawo mwana nekuda kwedambudziko rekuromba kwemumusha mavo, vanotsinhira kuti munin’ina wavo aoneswa nhamo nenyoka nehumwe hurombwa.

“Semhuri, tava kungoda kuti tibatsirwe zvinhu izvi zvibviswe,” vanodaro VaStanley Tagarira.

Barton Tagarira (48), mwana wemumwe mukoma waMadzibaba Showman, anotsinhirawo nyaya yekufa kwevanhu mudzinza ravo nekuda kwenyoka iyi nemimwe mishonga.

Barton Tagarira

“Baba vedu vari kudura kuti vane nyoka yavo nezvidhoma uyewo nyanga nemimwe mishonga zvavakatora sedivisi. Tine vamwe baba vakatemwa nedemo nemwana nekuda kwenyaya idzi vakatofa.

“Tete vakangofa vachitsvaga huni vadonha, zvinonzi nababa ava ndivo vakazviita vakabva vatumidza nyoka yavo iyi kuti Jestina zita ratete vakafa ava,” anodaro Barton Tagarira.

Anoenderera mberi achiti: “Pane waya dzavanosunga pamiti semhiko yekuti vanhu vafe, dzimwe dzewaya idzi dzakatobviswa naivo. Pane nyoka inobva panzvimbo yemabhizimisi yeMungate ichinanga kumba kwababa ava inomira ikanzwa mutinhimira wemota izvo zvinofungdzirwa kuti ndiro rovambira ravo iri.”

Pakasvika Kwayedza pamusha uyu, yakawana vanhu vakawanda vachingombeya nechinangwa chekuda kuona nekunzwa mafambiro ari kuita nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey