‘Ndinoda kudzoka kumurume wangu’

17 May, 2023 - 16:05 0 Views
‘Ndinoda kudzoka kumurume wangu’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wekuGlen View, muguta reHarare, ari kuchema-chema kuti anoda kudzokera kumurume wake uyo waanoti akamudzinga pamba munaGumiguru gore rapera mushure mekunge vanetsana.

Agnes Tarombera akaudza dare reHarare Civil Court kuti pari zvino ari kugara naamai vake mushure mekudzingwa pamba naLenon Tarombera.

“Lenon murume wangu asi pari zvino handisi kugara naye nokuti akandidzinga pamba gore rapera munaOctober. Akatora zvakare chivhitivhiti changu ndokunopa mudzimai wake mudiki, ndinokumbirawo dare rindibatsire ndidzoke kumba kwangu,” anodaro Agnes.

Lenon anoti haana dambudziko nekuti mudzimai wake adzoke kumba sezvo achida kuti vachengete vana vavo vari pamwe chete.

“Ini basa rakapera paane makore saka mudzimai wangu chaasiri kuda kuuya kuzogara neni kwaRusape kumusha. Takatenga imba kuGlen View saka ndakafunga kuisa maroja isusu toenda kwaRusape tonochengeta mhuri tiri ikoko tichirarama nemari yerendi, kana zvareruka tichadzoka kuHarare,” anodaro Lenon

Anoenderera mberi achiti: “Handitodi kuti agare kwaamai vake, akapera kubvisa vana muzvikoro ndisingazive. Ndinoda kuti mhuri yangu igare iri pamwe, ngaadzoke kumba.”

Mutongi Nyasha Marufu vakapa Agnes gwaro redziviriro ndokukurudzira vaviri ava kuti vagare murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey