‘Ndinoenda kumba ne$8 pamwedzi’

25 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Mathew Masinge
VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo murume aive amhan’arirwa neaimbova mudzimai wake achida kuti $100 yemendenenzi yaakanzi abvise ibatirwe papeyi kubasa akati ane zvikwereti zvakawanda zvekuti pamwedzi ari kutorerwa mari yose achisarirwa ne$8. Sophia Mushambi akaendesa Omega Mushambi kuHarare Civil Court achikumbira kuti $100 yemendenenzi yaasiri kubhadahara ibatwe pamari yaanohora.
“Changamire, ini ndaiti kuuya kwatakaita kuno tikapihwa mutongo wemendenenzi nedare zvichabva zvatiitirawo semhuri asi zviri kuramba nanhasi nekuti baba ava vave kuuraya vana vavo vaviri nenzara.

“Vakaguma kubhadhara mari mwedzi mina yapfuura, handizive kuti vari kufungei nevana vavo,” akadaro Sophia.
Akaenderera mberi achiti vana vavo vave kutopemha mumigwagwa sevasina baba.

“Izvozvi vana vangu ndakatovatoresa matsamba kubva kuSocial Welfare ndichiti vatoite zvekupemha muguta kuti vawane mari yechikoro neyekudya.

‘‘Saamai vavo, zviri kutondishungurudza kuti sei baba ava vaita moyo wakadai kumhuri yavo. Handisati ndambozviona kukura kwangu kwose.”
Omega akapokana nechikumbiro chaSophia achiti: “Mambo wangu, ini ndinopikisana nechikumbiro chake nekuti handitorinawo mari, ndatova tsuro yemubhuku. Ndine nyaya iri kumapurisa izvozvi kuri kutorwa mari papeyi yangu mwedzi woga-woga.

‘‘Pamusoro pezvo, ndine zvikwereti zvakanyanya zvekuti kana mwedzi wapera ndinoenda kumba ne$8 chaiyo. Gwaro rangu repeyi rinotsinhira izvi ndinaro.”
Omega akati mari yake yemuhoro yakatodimburwawo mwedzi wapfuura.

“Nemamiriro aita zvinhu munyika, ndakatonzi kubasa sarudza zvaunoda pakati pekudamburirwa mari yemuhoro nekudzingwa basa, ini ndikati zviri nani kudamburirwa mari asi ndiri pabasa. Ndaikumbirisawo kuti dare ritombomisa mari yemendenenzi iyi kusvika zvinhu zvandinakira.”

Mutongi Gamuchirai Siwardi akarasa chikumbiro chaSophia achiti pakanga pasina chikonzero chekuti mari ibatwe papeyi sezvo mari inohorwa iri shoma.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey